마태복음 14장 쇼나
- 1 Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu,
- 2 akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvowo mabasa esimba awa anobata maari.
- 3 Nokuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake.
- 4 Nokuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye.
- 5 Zvino achida kumuuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora semuporofita.
- 6 Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe.
- 7 Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti achamupa chipi nechipi chaaizokumbira.
- 8 Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
- 9 Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe.
- 10 Akatuma vanhu, akagura Johwani musoro mutirongo.
- 11 Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake.
- 12 Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, vakaenda ndokuudza Jesu.
- 13 Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari ega; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta.
- 14 Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
- 15 Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera kudya.
- 16 Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye.
- 17 Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.
- 18 Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri.
- 19 Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, ndokumedura akapa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi ndokupa kuzvaunga.
- 20 Vakadya vese, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere.
- 21 Uye vakange vadya vaiva varume vanenge zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana.
- 22 Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda.
- 23 Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari ega kunonyengetera; akati ava madekwani, wakange ari ega ipapo.
- 24 Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichitambudzwa nemafungu; nokuti mhepo yakange ichipikisa.
- 25 Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
- 26 Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti: Chipoko; ndokudanidzira nekutya.
- 27 Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya.
- 28 Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi, ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.
- 29 Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu.
- 30 Asi wakati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei!
- 31 Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo rudiki, unokononei?
- 32 Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara.
- 33 Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari.
- 34 Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti.
- 35 Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva vakatuma shoko panyika yese iyo yakapoteredza, vakauisa kwaari vese vairwara.
- 36 Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vese vakabata vakaporeswa.