마태복음 16장 쇼나
- 1 VaFarisi neVaSadhusi ndokuuya vachimuidza, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.
- 2 Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwani munoti: Kunze kwakanaka; nokuti denga rakatsvuka.
- 3 Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni kuparadzanisa zviratidzo zvenguva here?
- 4 Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi haripiwi chiratidzo, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda.
- 5 Zvino vadzidzi vakati vasvika mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa.
- 6 Zvino Jesu akati kwavari: Onai mungwarire mbiriso yeVaFarisi neVaSadhusi.
- 7 Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro nokuti hatina kutora zvingwa.
- 8 Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo rudiki, nemhaka yei muchirangana pakati penyu kuti hamuna kutora zvingwa?
- 9 Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga?
- 10 Kana zvingwa zvinomwe zvevanezvuru zvina, uye matengu mangani amakanonga?
- 11 Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti mungwarire mbiriso yeVaFarisi neVaSadhusi?
- 12 Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yechingwa, asi dzidziso yeVaFarisi neVaSadhusi.
- 13 Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani?
- 14 Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita.
- 15 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?
- 16 Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.
- 17 Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga.
- 18 Neni ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena* haangaikundi.
- 19 Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga.
- 20 Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu.
- 21 Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu.
- 22 Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kutongoitika kwamuri, Ishe; izvi hazvingatongoitiki kwamuri.
- 23 Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
- 24 Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
- 25 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani nani anorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu achahuwana.
- 26 Nokuti munhu anobatsirwei kana akawana nyika yese, akarasikirwa nemweya wake? Kana munhu achapei chive muripo wemweya wake?
- 27 Nokuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.
- 28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingatongoraviri rufu kusvikira vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muushe hwake.