마태복음 1장 쇼나
- 1 Bhuku redzinza raJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama.
- 2 Abhurahama wakabereka Isaka; Isaka ndokubereka Jakobho; Jakobho ndokubereka Judha nevanakomana vababa vake;
- 3 Judha ndokubereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi ndokubereka Esiromi; Esiromi ndokubereka Arami;
- 4 Arami ndokubereka Aminadhabhi; Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni;
- 5 Sarimoni ndokubereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi ndokubereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi ndokubereka Jese;
- 6 Jese ndokubereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo ndokubereka Soromoni kumukadziwaiva waUria;
- 7 Soromoni ndokubereka Robhoami; Robhoami ndokubereka Abhiya; Abhiya ndokubereka Asa;
- 8 Asa ndokubereka Josafati; Josafati ndokubereka Joramu; Joramu ndokubereka Oziasi;
- 9 Oziasi ndokubereka Jotamu; Jotamu ndokubereka Akazi; Akazi ndokubereka Hezekia;
- 10 Hezekia ndokubereka Manase; Manase ndokubereka Amoni; Amoni ndokubereka Josiyasi;
- 11 Josiyasi ndokubereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi.
- 12 Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi wakabereka Saratieri; Saratieri ndokubereka Zerubhabheri;
- 13 Zerubhabheri ndokubereka Abhiudhi; Abhiudhi ndokubereka Eriakimi; Eriakimi ndokubereka Azori;
- 14 Azori ndokubereka Sadhoki; Sadhoki ndokubereka Akimi; Akimi ndokubereka Eriyudhi;
- 15 Eriyudhi ndokubereka Eriazari; Eriazari ndokubereka Matani; Matani ndokubereka Jakobho;
- 16 Jakobho ndokubereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu.
- 17 Naizvozvo mazera ese kubva kuna Abhurahama kusvikira kuna Dhavhidhi mazera gumi nemana; nekubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapirwa kuBhabhironi mazera gumi nemana; nekubva pakutapirwa kuBhabhironi kusvikira kuna Kristu mazera gumi nemana.
- 18 Zvino kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kwakadai: Nokuti mai vake Maria vakati vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, vasati vasangana vakaonekwa vava nemimba kubva kuMweya Mutsvene.
- 19 Zvino Josefa murume wavo zvaakange ari wakarurama, asingadi kuvafumura, waida kuvaramba muchivande.
- 20 Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nokuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene.
- 21 Uye achabereka Mwanakomana, uye uchatumidza zita rake Jesu, nokuti iye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.
- 22 Zvino zvese izvozvi zvakaitwa kuti zvizadziswe zvakarehwa naIshe kubudikidza nemuporofita achiti:
- 23 Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari anesu.
- 24 Zvino Josefa amuka pahope akaita sezvakaraira mutumwa waIshe kwaari, akazvitorera mukadzi wake;
- 25 uye haana kumuziva kusvikira azvara Mwanakomana wake wedangwe; akatumidza zita rake JESU.