마태복음 22장 쇼나
- 1 Zvino Jesu wakapindura akataurazve kwavari nemifananidzo, achiti:
- 2 Ushe hwekumatenga hwakafananidzwa neumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wemuchato;
- 3 akatuma varanda vake kunodana vakange vakokwa kumuchato, asi havana kuda kuuya.
- 4 Akatuma zvekare vamwe varanda, achiti: Udzai vakakokerwa muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu, nzombe dzangu nezvakakora zvabaiwa, uye zvinhu zvese zvagadzirwa; uyai kumuchato.
- 5 Asi havana kuzvikoshesa, vakaenda, umwe kumunda wake pachake, umwe kukutengeserana kwake;
- 6 vakasara vavo vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavauraya.
- 7 Zvino mambo wakati azvinzwa, wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza mhondi idzo, akapisa guta ravo.
- 8 Zvino akati kuvaranda vake: Muchato wagadzirwa, asi vakange vakokwa vakange vasina kufanira.
- 9 Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumuchato vese vamunowana.
- 10 Varanda avo vakabudira kunzira, vakaunganidza vese nekuwanda kwevavakawana, zvese vakaipa nevakanaka; imba yemuchato ikazara nevagere pakudya.
- 11 Zvino mambo wakati achipinda kuzoona vagere pakudya, akaona ipapo munhu asina kupfeka chipfeko chemuchato;
- 12 akati kwaari: Shamwari, wapinda sei pano usina chipfeko chemuchato? Akashaya remuromo.
- 13 Zvino mambo akati kuvaranda: Musungei makumbo nemaoko, mumubvise, mukandire kurima rekunze kwekupedzisira; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
- 14 Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vanosanangurwa.
- 15 Zvino VaFarisi vakaenda vakanorangana kuti vangamuteya sei pakutaura.
- 16 Vakatuma kwaari vadzidzi vavo vane VaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, musingarangariri zvemunhu, nokuti hamutariri chimiro chevanhu.
- 17 Naizvozvo tiudzei: Munofungei? Zvinotenderwa kupa Kesari mutero here, kana kwete?
- 18 Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzirei, vanyepedzeri?
- 19 Ndiratidzei mari yemutero. Vakamuvigira dhenario*.
- 20 Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu nechinyorwa ndezvani?
- 21 Vakati kwaari: ZvaKesari. Ipapo akati kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.
- 22 Vakati vanzwa vakashamisika, vakamusiya, vakaenda.
- 23 Nezuva iro kwakauya kwaari VaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka, vakamubvunza,
- 24 vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakati: Kana munhu akafa asina vana, munin'ina wake achawana mukadzi wake, agomutsira mukoma wake mbeu.
- 25 Paiva pakati pedu nevanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa; uye asina mbeu, akasiya mukadzi wake kumunin'ina wake.
- 26 Saizvozvowo wechipiri, newechitatu, kusvikira kune wechinomwe.
- 27 Pakupedzisira kwevese mukadzi akafawo.
- 28 Zvino pakumuka, achava mukadzi waani pavanomwe? Nokuti vese vakava naye.
- 29 Jesu ndokupindura, akati kwavari: Munorasika, musingazivi magwaro, kana simba raMwari;
- 30 nokuti pakumuka havawanani, havawaniswi; asi vakaita sevatumwa vaMwari kudenga.
- 31 Asi maererano nekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti:
- 32 Ini ndiri Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Mwari haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.
- 33 Zvino zvaunga zvichizvinzwa zvakashamisika nedzidziso yake.
- 34 VaFarisi vakati vachinzwa kuti washaisa VaSadhusi remuromo, vakaungana pamwe.
- 35 Zvino umwe wavo, nyanzvi yemutemo, wakamubvunza, achimuidza, ichiti:
- 36 Mudzidzisi, ndeupi mutemo mukuru pamurairo?
- 37 Jesu akati kwaari: Ida Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nemurangariro wako umwe neumwe.
- 38 Ndiwo murairo wekutanga uye mukuru.
- 39 Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida umwe wako sezvaunozvida iwe.
- 40 Pamirairo iyi miviri, murairo wese nevaporofita zvakaremberedzwa.
- 41 Zvino VaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza,
- 42 achiti: Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani? Vakati kwaari: WaDhavhidhi.
- 43 Akati kwavari: Ko Dhavhidhi wakagomutumidza sei muMweya kuti Ishe, achiti:
- 44 Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?
- 45 Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, anova mwanakomana wake sei?
- 46 Zvino hakuna akagona kumupindura shoko; uye kwakange kusina munhu kubva pazuva iro wakatsunga kumubvunzazve.