마태복음 24장 쇼나
- 1 Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere.
- 2 Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvese here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi.
- 3 Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?
- 4 Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai;
- 5 nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji.
- 6 Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvese zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
- 7 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana.
- 8 Asi zvese izvi kutanga kwemarwadzo.
- 9 Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu.
- 10 Zvino ipapo vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana.
- 11 Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji.
- 12 Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora.
- 13 Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
- 14 Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yese chive uchapupu kumarudzi ese; ipapo kuguma kuchasvika.
- 15 Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise),
- 16 zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
- 17 ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make;
- 18 neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake.
- 19 Asi mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo!
- 20 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata.
- 21 Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve.
- 22 Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa.
- 23 Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda.
- 24 Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa.
- 25 Tarirai, ndagara ndakuudzai.
- 26 Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda.
- 27 Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu.
- 28 Nokuti pese-pese pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.
- 29 Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa.
- 30 Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ese enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru.
- 31 Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvikira kumigumo yawo.
- 32 Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo.
- 33 Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvese, zivai kuti zvava pedo pamikova.
- 34 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvese zvaitika.
- 35 Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
- 36 Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.
- 37 Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
- 38 Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka,
- 39 uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vese, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu.
- 40 Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa.
- 41 Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.
- 42 Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya.
- 43 Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
- 44 Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.
- 45 Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira?
- 46 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo.
- 47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
- 48 Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya;
- 49 ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi,
- 50 ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi,
- 51 akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.