마태복음 26장 쇼나
- 1 Zvakaitika Jesu apedza mashoko aya ese, akati kuvadzidzi vake:
- 2 Munoziva kuti mushure memazuva maviri ichava pasika, uye Mwanakomana wemunhu achatengeswa kuti arovererwe pamuchinjikwa.
- 3 Ipapo kwakaungana vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu muchivanze chemupristi mukuru wainzi Kayafasi.
- 4 Vakarangana kuti vabate Jesu nemano, vagomuuraya.
- 5 Asi vakati: Kwete pamutambo, kuti kurege kuva nebongozozo pakati pevanhu.
- 6 Zvino Jesu wakati ari paBhetaniya mumba maSimoni wemaperembudzi,
- 7 kwakasvika kwaari mukadzi nechinu chearibhasiteri* chechizoro chinokosha zvikuru, akadururira mumusoro wake agere pakudya.
- 8 Asi vadzidzi vake vakati vachiona, vakatsamwa vachiti: Kutambisa uku ndokwei?
- 9 Nokuti chizoro ichi chingadai chatengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.
- 10 Asi Jesu aziva wakati kwavari: Munotambudzirei mukadzi? Nokuti aita basa rakanaka kwandiri.
- 11 Nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese.
- 12 Nokuti pakundidira chizoro ichi pamuviri wangu, waitira kuvigwa kwangu.
- 13 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, izvi mukadzi zvaaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
- 14 Ipapo umwe wevanegumi nevaviri, wainzi Judhasi Isikariyoti, wakaenda kuvapristi vakuru,
- 15 akati: Munoda kundipei, ini ndigomukumikidza kwamuri? Vakamutemera masirivheri makumi matatu.
- 16 Uye kubva panguva iyo akatsvaka mukana wakafanira kuti amukumikidze.
- 17 Nerekutanga rezvingwa zvisina mbiriso vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kudya pasika?
- 18 Akati: Endai muguta kune umwe munhu, muti kwaari: Mudzidzisi anoti: Nguva yangu yava pedo; ndichaita pasika kwauri nevadzidzi vangu.
- 19 Vadzidzi vakaita Jesu sezvaakavaraira; vakagadzirira pasika.
- 20 Zvino ava madekwani akagara pakudya nevanegumi nevaviri.
- 21 Vakati vachidya akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu achanditengesa.
- 22 Zvino vakashungurudzika zvikuru, vakatanga umwe neumwe wavo kuti kwaari: Ishe, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?
- 23 Ndokupindura akati: Anoseva ruoko neni mundiro ndiye achanditengesa.
- 24 Mwanakomana wemunhu anoenda hake sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuberekwa.
- 25 Judhasi uyo wakamutengesa ndokupindura akati: Rabhi*, zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Akati kwaari: Wataura iwe.
- 26 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa vadzidzi akati: Torai, idyai, ichi ndiwo muviri wangu.
- 27 Akatora mukombe, akavonga, akapa kwavari, achiti: Inwai mese pauri.
- 28 Nokuti iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji rekukanganwirwa kwezvivi.
- 29 Asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino handichatongonwi zvechibereko ichi chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro nemwi chava chitsva muushe hwaBaba vangu.
- 30 Zvino vakati vaimba rwiyo vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
- 31 Ipapo Jesu wakati kwavari: Imwi mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achaparadzirwa.
- 32 Asi shure kwekunge ndamutswa, ndichakutungamirirai kuGarirea.
- 33 Asi Petro wakapindura akati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa nekuda kwenyu, ini handingatongogumburwi.
- 34 Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Muusiku huno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
- 35 Petro akati kwaari: Kunyange zvakandifanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Vadzidziwo vese vakadaro.
- 36 Zvino Jesu wakasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi: Garai pano ndichamboenda ndinonyengetera uko.
- 37 Akatora pamwe naye Petro nevanakomana vaviri vaZebhedhi, akatanga kusuruvara nekushungurudzika.
- 38 Ipapo akati kwavari: Mweya wangu unosuruvara kwazvo kusvikira parufu; garai pano murinde neni.
- 39 Akaenda mberi zvishoma, akawa nechiso chake, akanyengetera achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri. Asi kusava sezvandinoda ini asi sezvamunoda imwi.
- 40 Akauya kuvadzidzi, akavawana varere, akati kuna Petro: Saka hamuna kugona kurinda neni awa rimwe here?
- 41 Rindai munyengetere, kuti musapinda mumuedzo; mweya unoda zvirokwazvo, asi nyama ine utera.
- 42 Akaendazve rwechipiri akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura kubva kwandiri, kunze kwekuti ndaunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.
- 43 Akauya, akavawana vavatazve, nokuti meso avo akange orema.
- 44 Akavasiya, akaendazve akanyengetera rwechitatu, achitaura mashoko iwawo.
- 45 Ndokuuya kuvadzidzi vake ndokuti kwavari: Chirambai murere muzorore; tarirai, awa raswedera, Mwanakomana wemunhu wotengeswa mumaoko evatadzi.
- 46 Simukai, ngatiende, tarirai, wonditengesa wava pedo.
- 47 Zvino achataura, tarira, Judhasi umwe wevanegumi nevaviri wakasvika, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo chichibva kuvapristi vakuru nevakuru vevanhu.
- 48 Zvino iye wakamutengesa wakavapa chiratidzo achiti: Uyo wandichatsvoda, ndiye, mumubate.
- 49 Uye pakarepo akasvika kuna Jesu, akati: Hekanhi, Rabhi! Akamutsvoda.
- 50 Jesu akati kwaari: Shamwari, wavingei? Ipapo vakaswedera vakaisa maoko pana Jesu, vakamubata.
- 51 Uye tarira, umwe wevaiva naJesu akatandavadza ruoko, akavhomora munondo wake akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.
- 52 Ipapo Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako munzvimbo yawo, nokuti vese vanobata munondo vanoparara nemunondo.
- 53 Kana unofunga here kuti handigoni ikozvino kukumbira kuna Baba vangu, vakandigadzikira mapoka emauto evatumwa anopfuura gumi nemaviri?
- 54 Ko magwaro angazadziswa sei kuti zvinofanira kuva saizvozvo?
- 55 Nenguva iyo Jesu wakati kuzvaunga: Mabuda semunovinga gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here? Ndaigara nemwi zuva nezuva ndichidzidzisa mutembere, asi hamuna kundibata.
- 56 Asi izvi zvese zvaitika, kuti magwaro evaporofita azadziswe. Ipapo vadzidzi vese vakamusiya, vakatiza.
- 57 Avo vakange vabata Jesu vakamuendesa kuna Kayafasi mupristi mukuru, apo pakange paungana vanyori nevakuru.
- 58 Asi Petro wakamutevera ari kure kusvikira pachivanze chemupristi mukuru, akapinda mukati, akagara nevaranda kuzoona mugumo.
- 59 Zvino vapristi vakuru nevakuru nedare remakurukota rese vakatsvaka uchapupu hwenhema hunopikisa Jesu kuti vamuuraye.
- 60 Asi havana kuhuwana, kunyange zvapupu zvenhema zvizhinji zvakauya, zvikasahuwana. Pakupedzisira kwakasvika zvapupu zvenhema zviviri,
- 61 zvikati: Uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMwari, nekuivaka nemazuva matatu.
- 62 Zvino mupristi mukuru akasimuka akati kwaari: Haupinduri chinhu here? Ava vanopupurei zvinopikisana newe?
- 63 Asi Jesu wakanyarara. Mupristi mukuru akapindura akati kwaari: Ndinokupikisa naMwari mupenyu kuti utiudze kana iwe uri Kristu, Mwanakomana waMwari.
- 64 Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga.
- 65 Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake.
- 66 Munofungei? Vakapindura vakati: Ane mhosva yerufu.
- 67 Zvino vakamupfira pachiso, vakamurova netsiva; vamwe vakamurova nembama,
- 68 vachiti: Porofita kwatiri, Kristu, ndiani wakurova?
- 69 Petro wakange agere panze pachivanze; ndokuuya kwaari umwe murandakadzi achiti: Iwewo wakange una Jesu weGarirea.
- 70 Asi iye wakaramba pamberi pevese achiti: Handizivi zvaunoreva.
- 71 Zvino wakati abuda pasuwo, umwe mukadzi akamuona, akati kune vaivapo: Uyuwo wakange ana Jesu weNazareta.
- 72 Akarambazve nemhiko, kuti: Handizivi munhu uyu.
- 73 Shure kwechinguva chidiki kwakauya vakange vamirepo vachiti kuna Petro: Zvirokwazvo iwewo uri wavo; nokuti kunyange kutaura kwako kunokuratidza.
- 74 Zvino wakatanga kutuka nekupika kuti: Handizivi munhu uyu. Pakarepo jongwe rikarira.
- 75 Petro ndokurangarira shoko raJesu raakati kwaari: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu. Ndokubuda panze akachema zvinorwadza.