마태복음 5장 쇼나
- 1 Zvino wakati achiona zvaunga akakwira mugomo, zvino wakati agara pasi vadzidzi vake vakauya kwaari;
- 2 akashamisa muromo wake, akavadzidzisa achiti:
- 3 Vakaropafadzwa varombo pamweya; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo.
- 4 Vakaropafadzwa vanochema; nokuti ivo vachanyaradzwa.
- 5 Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti ivo vachagara nhaka yenyika.
- 6 Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yekururama; nokuti ivo vachagutiswa.
- 7 Vakaropafadzwa vane tsitsi; nokuti ivo vachaitirwa tsitsi.
- 8 Vakaropafadzwa vakachena pamoyo; nokuti ivo vachaona Mwari.
- 9 Vakaropafadzwa vanoyananisa; nokuti ivo vachanzi vana vaMwari.
- 10 Vakaropafadzwa vanoshushwa nekuda kwekururama; nokuti ushe hwekumatenga ndehwavo.
- 11 Makaropafadzwa imwi, kana vachikutukai, vachikushushai, vachikutaurirai zvakaipa zvese vachireva nhema nekuda kwangu.
- 12 Farai mupembere kwazvo, nokuti mubairo wenyu mukuru mumatenga; nokuti vakashusha saizvozvo vaporofita vakakutangirai.
- 13 Imwi muri munyu wenyika; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe-tsikwe nevanhu.
- 14 Imwi muri chiedza chenyika; guta rakamiswa pamusoro pegomo haringavanziki;
- 15 uye mwenje havautungidzi vakauisa pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, uvhenekere vese vari mumba.
- 16 Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kumatenga.
- 17 Musafunga kuti ndauya kuzoparadza murairo kana vaporofita; handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.
- 18 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuura, vara diki rimwe kana chidodzi chimwe kubva pamurairo hazvingatongopfuuri, kusvikira zvese zvaitika.
- 19 Naizvozvo ani nani anotyora umwe wemirairo midikisa iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, achanzi mudikisa muushe hwekumatenga; asi ani nani anoita akaidzidzisa, iye achanzi mukuru muushe hwekumatenga.
- 20 Nokuti ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti kururama kwenyu kukapfuura kwevanyori nekweVaFarisi, hamungatongopindi muushe hwekumatenga.
- 21 Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usauraya; uye ani nani anouraya achava nemhosva yemutongo;
- 22 asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anotsamwira umwe wake pasina chikonzero, achava nemhosva yemutongo; neanoti kune umwe wake: Dununu! achava nemhosva yedare remakurukota; uye anoti: Benzi! achava nemhosva yegehena remoto.
- 23 Naizvozvo kana uchiuisa chipo chako kuaritari, ipapo ukarangarira kuti umwe wako ane chekupikisana newe,
- 24 siya ipapo chipo chako pamberi pearitari, uende umbonotanga wayanana neumwe wako, ugouya wopira chipo chako.
- 25 Tenderana nemudzivisi wako nekukurumidza, uchiri munzira naye, zvimwe mudzivisi angakukumikidza kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, ukakandirwa mutirongo.
- 26 Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kamari kekupedzisira.
- 27 Makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usaita upombwe;
- 28 asi ini ndinoti kwamuri: Wese anotarisa mukadzi kuti amuchive, watoita upombwe naye mumoyo make.
- 29 Uye kana ziso rako rerudyi richikugumbusa, uridzure urase kubva kwauri; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena.
- 30 Zvino kana ruoko rwako rwerudyi ruchikugumbusa, urugure urasire kure newe; nokuti zviri nani kwauri kuti umwe wemitezo yako uparare, kwete kuti muviri wako wese ukandirwe mugehena.
- 31 Zvakanziwo: Ani nani anoramba mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rwekurambana;
- 32 asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani anoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva yeupombwe, anomuitisa upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa anoita upombwe.
- 33 Zvekare makanzwa kuti zvakanzi kune vekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe mhiko dzako;
- 34 asi ini ndinoti kwamuri: Musatongopika; kana nedenga, nokuti chigaro chaMwari cheushe;
- 35 kana nenyika, nokuti chitsiko chetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti iguta raMambo mukuru;
- 36 uye usapika nemusoro wako, nokuti haugoni kuita ruvhudzi rumwe ruchena kana rutema.
- 37 Asi shoko renyu ngarive: Hongu, hongu; kwete, kwete; chinopfuura izvi chinobva kune wakaipa.
- 38 Makanzwa kuti zvakanzi: Ziso neziso, uye zino nezino;
- 39 asi ini ndinoti kwamuri: Musapikisa wakaipa; asi ani nani anokurova padama rako rerudyi, umutendeusire rimwewo.
- 40 Neanoda kukusungisa, nekutora shati yako, umutendere nguvo yakowo.
- 41 Ani nani anokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri.
- 42 Ipa anokumbira kwauri, usafuratira anoda kukwereta kwauri.
- 43 Makanzwa kuti zvakanzi: Ude umwe wako, uvenge muvengi wako.
- 44 Asi ini ndinoti kwamuri: Idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai, batai zvakanaka vanokuvengai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa vachikushushai.
- 45 Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama.
- 46 Nokuti kana muchida vanokudai, mune mubairo wei? Ko, vateresiwo havaiti izvozvo here?
- 47 Uye kana muchikwazisa vamwe venyu chete, munoita zvikuru kupfuura vamwe nei? Ko, vateresiwo havaiti saizvozvo here?
- 48 Naizvozvo imwi muve vakakwana, saBaba venyu vari kumatenga vakakwana.