마태복음 6장 쇼나
- 1 Chenjerai kuti basa renyu rerudo musariita pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana zvisakadaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kumatenga.
- 2 Naizvozvo kana uchiita basa rerudo, rega kuridza hwamanda pamberi pako sezvinoita vanyepedzeri mumasinagoge nemunzira dzemumaguta kuti vakudzwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
- 3 Asi iwe kana uchiita basa rerudo, ruboshwe rwako ngarurege kuziva zvinoita rudyi rwako.
- 4 Kuti kuita kwako basa rerudo kuve pakavanda; uye Baba vako vanoona pakavanda, ivo vachakuripira pachena.
- 5 Zvino kana uchinyengetera, usava sevanyepedzeri; nokuti vanoda kunyengetera vamire mumasinagoge nepamharadzano dzenzira dzemumaguta kuti vaonekwe nevanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
- 6 Asi iwe kana uchinyengetera, pinda muimba yako yemukati, ugovhara mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.
- 7 Asi kana muchinyengetera, musapamhidzira-pamhidzira zvisina maturo sevahedheni; nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nekutaura kwavo kuzhinji.
- 8 Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva chamunoshaiwa musati mavakumbira.
- 9 Naizvozvo imwi nyengeterai seizvi: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene;
- 10 ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga;
- 11 mutipei nhasi kudya kwedu kwemisi yese;
- 12 uye mutikanganwire mangava edu, isu sezvatinokanganwirawo vane ngava nesu;
- 13 uye musatipinza pakuedzwa, asi mutisunungure pakuipa. Nokuti ushe ndehwenyu nesimba nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
- 14 Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo.
- 15 Asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.
- 16 Uyezve kana muchitsanya, musava nezviso zvinopunyaira sevanyepedzeri; nokuti vanounyanisa zviso zvavo, kuti vaonekwe nevanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
- 17 Asi iwe kana uchitsanya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako,
- 18 kuti urege kuonekwa kuvanhu kuti unotsanya, asi kuna Baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda vachakuripira pachena.
- 19 Regai kuzviunganidzira fuma panyika, pane chifusi nengura zvinoodza, nepane mbavha dzinopaza dzichiba;
- 20 asi muzviunganidzire fuma kudenga, uko kusina chifusi kana ngura zvinoodza, naapo mbavha padzisingapazi kana kuba.
- 21 Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo yenyu.
- 22 Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wako wese uchazara nechiedza.
- 23 Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wese uchazara nerima. Naizvozvo kana chiedza chiri mauri chiri rima, rima iro iguru sei!
- 24 Hapana angashumira vatenzi vaviri; nokuti achavenga umwe, akada umwe; kana achanamatira umwe, akazvidza umwe. Hamungashumiri Mwari naMamona*.
- 25 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, zvamuchadya kana zvamuchanwa, kana pamusoro pemuviri wenyu, zvamuchapfeka. Upenyu hahupfuuri kudya here, nemuviri chipfeko?
- 26 Tarirai shiri dzedenga, nokuti hadzidzvari kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzirurira. Imwi hamudzipfuuri zvikuru here?
- 27 Ndiani kwamuri nekufunganya angawedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
- 28 Nepamusoro pezvipfeko munofunganyirei? Nyatsorangarirai midovatova yenyika, inokura sei; haishingairi, hairuki;
- 29 asi ndinoti kwamuri: Kunyange Soromoni pakubwinya kwake kwese haana kupfekedzwa seimwe yeiyi.
- 30 Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, hunokandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nekupfuurisa here imwi verutendo rudiki?
- 31 Naizvozvo musafunganya, muchiti: Tichadyei? Kana: Tichanwei? Kana: Tichafukei?
- 32 Nokuti izvozvi zvese vahedheni vanozvitsvaka, nokuti Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvese.
- 33 Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nekururama kwake, zvino izvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri.
- 34 Naizvozvo musafunganyira mangwana, nokuti mangwana achazvifunganyira zvinhu zvawo. Zuva rakakwanirwa nezvakaipa zvaro.