마가복음 11장 쇼나
- 1 Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake,
- 2 akati kwavari: Fambai muende kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunugure, mugouya naro.
- 3 Kana munhu akati kwamuri: Munoitirei izvi? Muti: Ishe anorida. Pakarepo acharitumira pano.
- 4 Vakaenda, vakanowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, panzira yemumusha; vakarisunungura.
- 5 Vamwe vevakange vamirepo vakati kwavari: Munoitei muchisunungura dhongwana?
- 6 Vakavaudza Jesu sezvaakaraira; vakavarega vachienda.
- 7 Zvino vakauya nedhongwana kuna Jesu, vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro.
- 8 Nevazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, nevamwe vakatema masanzu kubva pamiti vakawarira munzira.
- 9 Zvino avo vakange vachitungamira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe;
- 10 hwakaropafadzwa ushe hwababa vedu Dhavhidhi, hunouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!
- 11 Jesu ndokupinda muJerusarema, nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvese, yava nguva yemadekwani, akabuda, akaenda kuBhetaniya nevanegumi nevaviri.
- 12 Uye mangwana vachibuda kubva Bhetaniya, akanzwa nzara.
- 13 Wakati achiona muonde uri kure, une mashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; asi asvika pauri haana kuwana chinhu kunze kwemashizha; nokuti yakange isiri nguva yemaonde.
- 14 Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nemunhu anozodyazve zvibereko pauri kusvika kusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.
- 15 Vakasvika kuJerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa nevaitenga mutembere; akapidigura matafura evaitsinhanisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva.
- 16 Zvino akasatendera kuti munhu atakure nhumbi achipfuura nemutembere.
- 17 Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yekunyengetera nemarudzi ese? Asi imwi makaiita bako remakororo.
- 18 Zvino vanyori nevapristi vakuru vakazvinzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nokuti vakange vachimutya, nokuti chaunga chese chakashamisika nedzidziso yake.
- 19 Zvino ava madekwani, wakabuda kunze kweguta.
- 20 Zvino mangwanani-ngwanani vakati vachipfuura, vakaona muonde waoma kubva pamidzi.
- 21 Petro akarangarira akati kwaari: Rabhi*, tarirai muonde wamakatuka waoma.
- 22 Jesu akapindura akati kwavari: Ivai nerutendo kuna Mwari.
- 23 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani anoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, uye asiri asina chokwadi mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu zvaanoreva zvichaitika, zvichaitika kwaari chero zvaanoreva.
- 24 Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvese chero zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, uye zvichava zvenyu.
- 25 Kana mumire muchinyengetera, kanganwirai kana mune chakanangana neumwe; kuti Baba venyuwo vari kumatenga vakukanganwirei kudarika kwenyu.
- 26 Asi kana imwi musingakanganwiri, Baba venyu vari kumatenga havakanganwiriwo kudarika kwenyu.
- 27 Vakasvikazve kuJerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vapristi vakuru nevanyori nevakuru vakauya kwaari,
- 28 zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nesimba ripi; ndiani wakakupa simba iri, kuti unoita zvinhu izvi?
- 29 Jesu akapindura akati kwavari: Iniwo ndichakubvunzai mubvunzo umwe, mundipindure, neni ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvozvi nesimba ripi.
- 30 Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei.
- 31 Vakaonesana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, achati: Makagoregerei kumutenda?
- 32 Asi kana tikati: Kuvanhu; vakange vachitya vanhu; nokuti vese vakange vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo.
- 33 Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Ini handingakuudziyiwo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.