마가복음 13장 쇼나
- 1 Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!
- 2 Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungatongosiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingatongoputsirwi pasi.
- 3 Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:
- 4 Tiudzei, izvozvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvese zvozadziswa?
- 5 Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neanokutsausai.
- 6 Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachatsausa vazhinji.
- 7 Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa; nokuti zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
- 8 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi; neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
- 9 Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.
- 10 Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ese.
- 11 Asi kana vachikuuisai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura, uye musafanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
- 12 Zvino mukoma achatengesera munin'ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvauraya;
- 13 uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
- 14 Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (anorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
- 15 neari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.
- 16 Neari mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.
- 17 Asi vane nhamo avo vane mimba neavo vanonwisa nemazuva iwayo!
- 18 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.
- 19 Nokuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwakavapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika kusvikira zvino, uye hakuchatongovipo.
- 20 Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.
- 21 Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo; musatenda;
- 22 nokuti vana Kristu venhema nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.
- 23 Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvese.
- 24 Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,
- 25 nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.
- 26 Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya,
- 27 ipapo achatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.
- 28 Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
- 29 Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti zvava pedo wava pamukova.
- 30 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvinhu izvi zvese zvaitika.
- 31 Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.
- 32 Asi zvezuva iro neawa, hakuna anoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.
- 33 Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarinhi.
- 34 Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.
- 35 Naizvozvo rindai; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba anouya rinhi, manheru, kana pakati peusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
- 36 kuti arege kuuya kamwe kamwe, akakuwanai murere.
- 37 Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vese: Rindai.