마가복음 15장 쇼나
- 1 Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato.
- 2 Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.
- 3 Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu.
- 4 Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira!
- 5 Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.
- 6 Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira.
- 7 Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo.
- 8 Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira.
- 9 Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here?
- 10 Nokuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo.
- 11 Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
- 12 Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJudha?
- 13 Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
- 14 Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa!
- 15 Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.
- 16 Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe;
- 17 vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari.
- 18 Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha!
- 19 Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.
- 20 Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.
- 21 Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.
- 22 Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.
- 23 Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira.
- 24 Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei.
- 25 Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa.
- 26 Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti: MAMBO WEVAJUDHA.
- 27 Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake.
- 28 Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.
- 29 Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu,
- 30 zviponese, uburuke pamuchinjikwa!
- 31 Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa.
- 32 Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba.
- 33 Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.
- 34 Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
- 35 Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria.
- 36 Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa.
- 37 Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.
- 38 Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.
- 39 Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.
- 40 Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho mudiki naJose, naSarome,
- 41 (avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye.
- 42 Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,
- 43 Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.
- 44 Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa.
- 45 Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha.
- 46 Akatenga mucheka wakaisvonaka, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva.
- 47 Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.