마가복음 16장 쇼나
- 1 Sabata rakati rapfuura, Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vauye kunomuzodza.
- 2 Mangwanani-ngwanani kwazvo nomusi wekutanga wevhiki vakauya kuguva, zuva robuda.
- 3 Vakati pakati pavo: Ndiani achatikungurusira ibwe kubva pamukova weguva?
- 4 Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakange rakunguruswa, nokuti raiva guru-guru.
- 5 Zvino vakati vachipinda muguva, vakaona jaya rakange rigere kurudyi, rakapfeka nguvo refu chena; vakavhunduka;
- 6 asi rakati kwavari: Musavhunduka; munotsvaka Jesu muNazareta wakarovererwa pamuchinjikwa; wamuka, haasi pano; tarirai panzvimbo pavakange vamuradzika.
- 7 Asi endai, munoudza vadzidzi vake naPetro kuti anokutungamirirai kuGarirea, muchanomuonako sezvaakakuudzai.
- 8 Zvino vakabuda nekukurumidza vakatiza paguva; uyezve kudedera nekuvhunduka kwakavabata; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nokuti vakange vachitya.
- 9 Zvino Jesu wakati amuka mangwanani-ngwanani newekutanga wevhiki, wakaonekwa pakutanga kuna Maria Magidharini, waakabudisa kwaari madhimoni manomwe.
- 10 Uyo akaenda akaudza avo vaiva naye, pavaichema vachirira.
- 11 Neava vanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakange aonekwa naye, havana kutenda.
- 12 Shure kweizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.
- 13 Zvino avawo vakaenda vakaudza vakange vasara; naavo vakasavatenda.
- 14 Pashure wakazviratidza kune vanegumi neumwe vagere pakudya, akatsiura kusatenda kwavo neukukutu hwemoyo, nokuti havana kutenda vaya vakange vamuona amuka.
- 15 Akati kwavari: Endai munyika yese muparidze evhangeri kuchisikwa chega-chega.
- 16 Uyo anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; asi asingatendi achapiwa mhosva.
- 17 Zviratidzo izvi zvichavatevera vanotenda: Muzita rangu vachabudisa madhimoni, vachataura nendimi itsva;
- 18 vachanonga nyoka; kunyange vakanwa chero chinhu chinouraya, hachingatongovakuvadzi; vachaisa maoko pavarwere, vakapora.
- 19 Naizvozvo Ishe shure kwekunge ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari.
- 20 Avo vakabuda, vakaparidza kwese-kwese, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.