마가복음 8장 쇼나
- 1 Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:
- 2 Ndine tsitsi nechaunga; nokuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya.
- 3 Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure.
- 4 Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?
- 5 Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.
- 6 Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.
- 7 Uye vakange vane hove diki shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziisewo pamberi pavo.
- 8 Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
- 9 Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.
- 10 Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.
- 11 Zvino VaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
- 12 Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.
- 13 Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.
- 14 Zvino vadzidzi vakange vakanganwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.
- 15 Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yeVaFarisi nembiriso yaHerodhe.
- 16 Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatina zvingwa.
- 17 Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mukukutu here?
- 18 Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here?
- 19 Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.
- 20 Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ivo ndokuti: Manomwe.
- 21 Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?
- 22 Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.
- 23 Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.
- 24 Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti vachifamba.
- 25 Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vese zvakajeka.
- 26 Akariendesa kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.
- 27 Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?
- 28 Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.
- 29 Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.
- 30 Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.
- 31 Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure memazuva matatu amukezve.
- 32 Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.
- 33 Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
- 34 Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani anoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
- 35 Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, asi ani nani acharasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, uyu achahuponesa.
- 36 Nokuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yese akarasikirwa nemweya wake?
- 37 Kana kuti munhu achapei kuti chive muripo wemweya wake?
- 38 Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu achanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene.