누가복음 10장 쇼나
- 1 Shure kwezvinhu izvi, Ishe akagadza vamwe makumi manomwewo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo imwe neimwe iye kwaakange achizoenda.
- 2 Naizvozvo wakati kwavari: Goho zvirokwazvo iguru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wegoho kuti abudisire vashandi pagoho rake.
- 3 Endai; tarirai, ini ndinokutumai semakwayana pakati pemapumhi.
- 4 Musatakura chikwama, kana nhava, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira.
- 5 Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai kuti: Rugare kuimba ino.
- 6 Uye kana mwanakomana werugare ari ipapo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri.
- 7 Garai muimba iyo, muchidya nekunwa zvinobva kwavari; nokuti mushandi wakafanirwa nemubairo wake; musapota-pota nedzimba.
- 8 Muguta ripi neripi mamunopinda vakakugamuchirai, idyai zvinoiswa mberi kwenyu,
- 9 muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.
- 10 Asi muguta ripi neripi ramunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti:
- 11 Kunyange guruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi, kuti ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.
- 12 Asi ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma nezuva iro, kupfuura guta iro.
- 13 Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nokuti dai akaitwa muTire neSidhoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vatendeuka kare, vakagara vakapfeka masaga nedota.
- 14 Asi zvichava nani kuTire neSidhoni pakutongwa, kupfuura imwi.
- 15 Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi kuhadhesi*.
- 16 Anokunzwai imwi anondinzwa ini; neanokurambai imwi anondiramba ini; neanondiramba ini anomuramba wakandituma.
- 17 Vanemakumi manomwe vakadzoka nemufaro, vachiti: Ishe, nemadhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.
- 18 Zvino akati kwavari: Ndakaona Satani semheni achiwa achibva kudenga.
- 19 Tarirai, ndinopa kwamuri simba rekutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, nepamusoro pesimba rese remuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai.
- 20 Asi musafara nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi zvikuru mufare kuti mazita enyu akanyorwa kumatenga.
- 21 Neawa iro Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai, Baba, Ishe wekudenga nenyika, kuti makavanza zvinhu izvi kune vakachenjera nevanonzwisisa, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti saizvozvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.
- 22 Zvese zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, kunze kwaBaba, uye kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanoda kuzarurira.
- 23 Zvino akatendeukira kuvadzidzi vari vega akati: Akaropafadzwa meso anoona zvamunoona.
- 24 Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji nemadzimambo vaishuva kuona zvinhu zvamunoona imwi, asi havana kuzviona, nekunzwa zvinhu zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.
- 25 Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?
- 26 Ndokuti kwaari: Pamurairo pakanyorwei? Unoverenga sei?
- 27 Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wese, uye nemweya wako wese, uye nesimba rako rese, uye nefungwa dzako dzese; neumwe wako sezvaunozvida iwe.
- 28 Akati kwaari: Wapindura zvakarurama; ita izvi, ugorarama.
- 29 Iye, achida kuzviruramisa, wakati kuna Jesu: Zvino ndiani umwe wangu?
- 30 Jesu akapindura akati: Umwe munhu wakaburuka kubva kuJerusarema achienda kuJeriko; akawira pakati pemakororo, akamukururawo akamupa mavanga akaenda, ndokusiya oda kufa.
- 31 Zvakangoitikawo kuti umwe mupristi wakange achiburuka nenzira iyo; akati achimuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.
- 32 Saizvozvowo muRevhi asvika panzvimbo iyo, akamuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.
- 33 Zvino umwe muSamaria, wakange achifamba wakasvika paaiva, akati achimuona akanzwa tsitsi,
- 34 akaswedera ndokupomba mavanga ake, achidira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake pachake, ndokumuisa kuimba yevafambi, ndokumuchengeta.
- 35 Zvino pamangwana oenda, wakabudisa madhenario* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvese zvaunoshandisa kupfuura izvi, ini ndichakupazve, kana ndichidzoka.
- 36 Naizvozvo ndeupi wevatatu ava waunofunga kuti waiva umwe waiye wakawira pakati pemakororo?
- 37 Akati: Ndiye wakamuitira tsitsi. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, newe unoita saizvozvo.
- 38 Zvino zvakaitika pakufamba kwavo, kuti iye wakapinda mune umwe musha; umwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make.
- 39 Uye iye wakange ane munin'inawo wainzi Maria, wakagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
- 40 Asi Marita wakange akabatikana kwazvo nekushanda kukuru, akaswedera akati: Ishe, hamuna hanya here nokuti munin'ina wangu wandisiya ndega ndichishanda? Naizvozvo muudzei kuti andibatsire.
- 41 Jesu akapindura akati kwaari: Marita, Marita, unozvidya moyo nekutambudzika nezvinhu zvizhinji;
- 42 asi chinhu chimwe chinodikanwa; asi Maria wasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.