누가복음 12장 쇼나
- 1 Zvichakadaro makumi ezvuru zvechaunga akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti: Imwi chenjerai mbiriso yeVaFarisi, inova unyepedzeri.
- 2 Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, nechakavigwa, chisingazozikanwi.
- 3 Naizvozvo zvese zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.
- 4 Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
- 5 Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye anoti shure kwekuuraya ane simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye.
- 6 Ko tushiri tushanu hatutengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna kamwe kadzo kanokanganikwa pamberi paMwari.
- 7 Asi kunyange nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rese. Musatya naizvozvo, munopfuura tushiri tuzhinji.
- 8 Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe anondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu achamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;
- 9 asi anondiramba pamberi pevanhu, acharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.
- 10 Uye umwe neumwe anoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, achakanganwirwa; asi uyo anonyomba Mweya Mutsvene haazokanganwirwi.
- 11 Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindura sei kana chii, kana muchataurei;
- 12 nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.
- 13 Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.
- 14 Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?
- 15 Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nokuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.
- 16 Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;
- 17 akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nokuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.
- 18 Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvese ipapo, nenhumbi dzangu,
- 19 ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, inwa, fara.
- 20 Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku huno mweya wako uchadikanwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?
- 21 Zvakadaro kune anozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.
- 22 Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.
- 23 Upenyu hunopfuura kudya, nemuviri zvipfeko.
- 24 Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari anoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
- 25 Ndiani kwamuri nekufunganya angagona kuwedzera mbimbi imwe paurefu hwake?
- 26 Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidikisa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?
- 27 Fungai midovatova, kuti inokura sei; haishingairi, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kwese, haana kupfekedzwa seumwe wayo.
- 28 Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa huri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo rudiki?
- 29 Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.
- 30 Nokuti zvinhu izvi zvese marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
- 31 Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvese zvichawedzerwa kwamuri.
- 32 Musatya boka diki; nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe.
- 33 Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.
- 34 Nokuti pane fuma yenyu, ndipo pachavawo nemoyo wenyu.
- 35 Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.
- 36 Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
- 37 Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika anovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.
- 38 Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
- 39 Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, angadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
- 40 Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu anouya.
- 41 Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vesewo?
- 42 Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wekudya nenguva yakafanira?
- 43 Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.
- 44 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo.
- 45 Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekunwa, nekuraradza;
- 46 ishe wemuranda uyo achasvika pazuva raasingatarisiri, uye paawa raasingazivi, akamugura nepakati, akagura mugove wake pamwe nevasakatendeka.
- 47 Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, acharohwa neshamhu zhinji.
- 48 Asi wakange asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa neshamhu shoma. Uye wese wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neanobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
- 49 Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?
- 50 Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira rwuchipedziswa.
- 51 Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.
- 52 Nokuti kubva zvino vashanu muimba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,
- 53 vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.
- 54 Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.
- 55 Uye kana muchiona mhepo yechamhembe ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.
- 56 Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?
- 57 Ko asi munoregerei nemwi kuzvitongera momene zvakarurama?
- 58 Nokuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe kubva kwaari muri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.
- 59 Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kunyange kamari kekupedzisira.