누가복음 2장 쇼나
- 1 Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chisungo chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yese inyorwe.
- 2 Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiriya.
- 3 Vese ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake.
- 4 NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nokuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi,
- 5 kunonyorwa naMaria mukadzi wakange atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.
- 6 Zvakaitika kuti vachipo, mazuva ekusununguka kwake akazadzisika;
- 7 ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nokuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni.
- 8 Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda boka ravo usiku.
- 9 Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru.
- 10 Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vese;
- 11 nokuti mazvarirwa nhasi Muponesi, anova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.
- 12 Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchawana mucheche akaputirwa nemicheka, arere muchidyiro.
- 13 Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti:
- 14 Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, nerugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu.
- 15 Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa.
- 16 Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vese Maria naJosefa, nemucheche arere muchidyiro.
- 17 Vakati vaona, vakazivisa kwese shoko ravakange vaudzwa maererano nemucheche uyu.
- 18 Zvino vese vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvakange zvataurwa kwavari nevafudzi.
- 19 Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvese, achifungisisa mumoyo make.
- 20 Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvese zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari.
- 21 Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu.
- 22 Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe,
- 23 (sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chese chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe),
- 24 uye vabaire chibairo sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, njiva mbiri, kana vana vaviri vehangaiwa.
- 25 Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake.
- 26 Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe.
- 27 Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu mukati, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo,
- 28 iye akamutora mumaoko ake, akarumbidza Mwari, achiti:
- 29 Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu;
- 30 nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,
- 31 rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vese;
- 32 chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri.
- 33 Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake.
- 34 Zvino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji muna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa;
- 35 uye newe, munondo uchagura nemumweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe.
- 36 Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake.
- 37 Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati.
- 38 Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vese vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema.
- 39 Zvino vakati vapedza zvinhu zvese zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta.
- 40 Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake.
- 41 Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ese pamutambo wepasika.
- 42 Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo,
- 43 vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi,
- 44 asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi.
- 45 Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka.
- 46 Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pevadzidzisi, achivateerera, achivabvunza.
- 47 Vese vakange vachimunzwa vakashamiswa nekunzwisisa nemhinduro dzake.
- 48 Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichirwadziwa.
- 49 Akati kwavari: Mainditsvakirei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?
- 50 Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.
- 51 Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko awa ese mumoyo mavo.
- 52 Jesu akawedzera panjere nekukura, nepakudiwa naMwari nevanhu.