누가복음 22장 쇼나
- 1 Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.
- 2 Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vaitya vanhu.
- 3 Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi anotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.
- 4 Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti angamutengesa sei kwavari.
- 5 Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.
- 6 Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.
- 7 Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.
- 8 Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.
- 9 Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?
- 10 Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.
- 11 Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi anoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?
- 12 Uye iye achakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.
- 13 Zvino vakaenda vakanowana sezvaakange avaudza; ndokugadzirira pasika.
- 14 Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.
- 15 Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;
- 16 nokuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.
- 17 Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.
- 18 Nokuti ndinoti kwamuri: Handichatongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.
- 19 Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopiwa pachinzvimbo chenyu; izvi itai kundirangarira.
- 20 Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.
- 21 Asi tarirai, ruoko rweanonditengesa rwuneni patafura.
- 22 Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu anoenda sezvazvakatemwa; asi ane nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!
- 23 Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari achaita chinhu ichi.
- 24 Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari anoverengwa semukurusa.
- 25 Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.
- 26 Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semudiki, nemutungamiriri seanoshandira.
- 27 Nokuti ndiani mukuru, uyo agere pakudya kana anoshandira? Haasi iye agere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seanoshandira.
- 28 Nemwi ndimwi makagara neni pamiedzo yangu;
- 29 zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;
- 30 kuti mudye nekunwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.
- 31 Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;
- 32 asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.
- 33 Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvese mutirongo nemurufu.
- 34 Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe haringatongoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.
- 35 Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.
- 36 Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, ane chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neasina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.
- 37 Nokuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nokuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.
- 38 Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.
- 39 Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidziwo vake vakamutevera.
- 40 Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.
- 41 Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama akanyengetera,
- 42 achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.
- 43 Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.
- 44 Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.
- 45 Zvino wakati asimuka pamunyengetero, akauya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.
- 46 Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.
- 47 Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.
- 48 Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?
- 49 Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?
- 50 Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.
- 51 Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.
- 52 Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vakange vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?
- 53 Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi zvino iawa renyu, nesimba rerima.
- 54 Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakapinda naye mumba memupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.
- 55 Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.
- 56 Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo wakange anaye.
- 57 Asi iye wakamurambira, achiti: Mukadzi, handimuzivi.
- 58 Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handisi.
- 59 Zvino nguva inenge awa rimwe yakati yapfuura, umwezve wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo wakange anaye; nokuti muGarireawo.
- 60 Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.
- 61 Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.
- 62 Zvino Petro wakabuda panze akachema zvinorwadza.
- 63 Zvino varume vakange vakabata Jesu, vakamuseka, vakamurova.
- 64 Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?
- 65 Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachituka.
- 66 Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota vachiti:
- 67 Kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;
- 68 uyewo kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.
- 69 Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu achagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.
- 70 Vese ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.
- 71 Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nokuti tomene tanzwa pamuromo wake.