누가복음 24장 쇼나
- 1 Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo.
- 2 Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva.
- 3 Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu.
- 4 Zvino vakati vakakanganiswa kwazvo nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya;
- 5 zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pavakafa?
- 6 Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea,
- 7 achiti: Mwanakomana wemunhu anofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve.
- 8 Zvino vakarangarira mashoko ake.
- 9 Zvino vakadzoka vachibva kuguva, vakaudza zvinhu izvi zvese kuvanegumi neumwe nekune vamwe vese.
- 10 Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi.
- 11 Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda.
- 12 Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; akakotama ndokutarira, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yega; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika.
- 13 Zvino tarira, pazuva iroro vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia* makumi matanhatu kubva kuJerusarema.
- 14 Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvese zvakange zvaitika.
- 15 Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo,
- 16 asi meso avo akange abatwa kuti vasamuziva.
- 17 Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukurirana muchifamba, uye makasuruvara?
- 18 Umwe, wainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe wega mutorwa muJerusarema, uye hauziva zvakaitikamo mumazuva ano here?
- 19 Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita ane simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vese;
- 20 uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa.
- 21 Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvese, nhasi izuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi.
- 22 Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva;
- 23 zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu.
- 24 Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadziwo sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona.
- 25 Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvese vaporofita zvavakataura!
- 26 Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here?
- 27 Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vese, akadudzira kwavari mumagwaro ese zvinhu zviri maererano naye.
- 28 Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira.
- 29 Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nokuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo.
- 30 Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.
- 31 Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari.
- 32 Zvino vakataurirana vachiti: Moyo wedu wanga usingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro?
- 33 Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo,
- 34 vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni.
- 35 Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
- 36 Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.
- 37 Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya.
- 38 Zvino akati kwavari: Munonetsekerei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu?
- 39 Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo.
- 40 Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka.
- 41 Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here?
- 42 Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi.
- 43 Iye ndokutora akadya pamberi pavo.
- 44 Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvese zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni.
- 45 Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.
- 46 Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvowo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kubva kuvakafa zuva retatu,
- 47 uye kuti kutendeuka nekanganwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ese muzita rake, kutanga paJerusarema.
- 48 Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
- 49 Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.
- 50 Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza.
- 51 Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
- 52 Zvino vakamunamata, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru;
- 53 uye vakagara nguva dzese mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni.