누가복음 5장 쇼나
- 1 Zvino zvakaitika kuti chaunga chakati chichimumbandidzira kuti vanzwe shoko raMwari, iye akamira parutivi rwegungwa reGenesareti;
- 2 akaona zvikepe zviviri zvimire parutivi rwegungwa; asi varedzi vakange vabuda mazviri vachisuka mimbure.
- 3 Akapinda mune chimwe chezvikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pavhu zvishoma. Ndokubva agara pasi, akadzidzisa zvaunga ari muchikepe.
- 4 Zvino wakati amira kutaura, akati kuna Simoni: Pinda kwakadzika udzikise mimbure yenyu kuti ubate.
- 5 Simoni akapindura, akati kwaari: Tenzi, tafondoka usiku hwese, tikasabata chinhu, asi zvamadaro, ndichadzikisa mumbure.
- 6 Vakati vaita izvozvi, vakakomba dutu rehove zhinji; mumbure wavo ukange wobvaruka.
- 7 Vakaninira vamwe vavo vakange vari mune chimwe chikepe, kuti vauye vazovabatsira; vakauya vakazadza zvikepe zviri zviviri, zvekuti zvakatanga kunyura.
- 8 Zvino Simoni Petro wakati achiona, akawira pasi pamabvi aJesu, achiti: Ibvai kwandiri, Ishe, nokuti ndiri munhu mutadzi.
- 9 Nokuti kushamisika kwakange kwamubata, nevese vakange vanaye, nekubatwa kwehove dzavakange vabata;
- 10 saizvozvowo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva vadyidzani naSimoni. Jesu ndokuti kuna Simoni: Usatya, kubva zvino ucharedza vanhu.
- 11 Zvino, vakati vaisa zvikepe kunyika, vakasiya zvese vakamutevera.
- 12 Zvino zvakaitika, ari kune rimwe remaguta, tarira, murume azere maperembudzi; wakati achiona Jesu akawa nechiso, ndokumugombetedza, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
- 13 Ndokubva atandavadza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
- 14 Iye akamuraira kuti asaudza munhu; akati: Asi enda unozviratidza kumupristi, ubaire pakunatswa kwako, Mozisi sezvaakaraira, chive chapupu kwavari.
- 15 Asi shoko pamusoro pake rakanyanya kupararira; zvaunga zvikuru zvikaungana kuzonzwa, nekuporeswa naye pazvifo zvavo.
- 16 Asi iye waienda kumarenje achinonyengetera.
- 17 Zvino zvakaitika nerimwe remazuva, iye paakange achidzidzisa; zvino VaFarisi nevadzidzisi vemurairo vakange vagerepo, vaibva kumisha yese yeGarirea neJudhiya neJerusarema; nesimba raIshe rakange riripo kuvaporesa.
- 18 Uye tarira, varume vakange vakatakura munhu pahwanyanza wakange akafa mitezo; vakatsvaka kumupinza vaise pamberi pake.
- 19 Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo nekuda kwechaunga, vakakwira padenga peimba, vakamuburusira pasi nemumapfuriro pamwe nehwanyanza hwake, pakati pamberi paJesu.
- 20 Iye wakati aona rutendo rwavo, akati kwaari: Munhu, zvivi zvako wazvikanganwirwa.
- 21 Zvino vanyori neVaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: Ndiani uyu anotaura kunyomba? Ndiani anogona kukanganwira zvivi, kunze kwaMwari ega?
- 22 Zvino Jesu paakaziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungei mumoyo yenyu?
- 23 Chii chakareruka, kuti: Zvivi zvako wazviregererwa; kana kuti: Simuka, ufambe?
- 24 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekuregerera zvivi (akati kune wakange akafa mitezo): Ndinoti kwauri: Simuka, utore hwanyanza hwako, uende kumba kwako.
- 25 Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora chaakange arere pachiri, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.
- 26 Kuvhiringidzika kukabata vese, vakarumbidza Mwari, vakazadzwa nekutya, vachiti: Taona chisionekwe nhasi.
- 27 Zvino shure kwezvinhu izvi wakabuda, akaona muteresi, wainzi Revhi, agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere.
- 28 Ndokubva asiya zvese, akasimuka akamutevera.
- 29 Revhi ndokumuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo chaunga chikuru chevateresi nevamwe vakange vagere navo pakudya.
- 30 Asi vanyori vavo neVaFarisi vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Nemhaka yei muchidya nekunwa nevateresi nevatadzi?
- 31 Jesu achipindura akati kwavari: Vatano havadi murapi, asi avo vanorwara.
- 32 Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.
- 33 Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, uye saizvozvo veVaFarisi, asi venyu vanodya nekunwa?
- 34 Asi wakati kwavari: Munogona kutsanyisa vana veimba yemuchato muwani achiri kwavari here?
- 35 Asi mazuva achasvika, apo muwani achabviswa kwavari, ipapo vachatsanya nemazuva iwayo.
- 36 Akataurawo mufananidzo kwavari, akati: Hakuna munhu anoisa chigamba chemucheka mutsva panguvo sharu; kana zvikasadaro naichowo chitsva chinobvarura, nechigamba chemucheka mutsva hachipindirani nesharu.
- 37 Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro, waini itsva ichaparusa hombodo iyo ikateuka, uye hombodo dzikaparara.
- 38 Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva, zvichengetedzeke zviri zviviri.
- 39 Uye hakuna munhu anoti anwa waini sharu pakarepo akashuva itsva; nokuti anoti: Sharu iri nani.