요한복음 12장 쇼나
- 1 Zvino mazuva matanhatu pasika isati yasvika Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro wakange afa, waakamutsa kubva kuvakafa.
- 2 Naizvozvo vakamuitira chirairo ipapo, uye Marita waishandira; naRazaro wakange ari umwe wevakange vagere naye pakudya.
- 3 Zvino Maria akatora paundi* yemafuta enadhi* amene, ane mutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nekunhuhwira kwemafuta.
- 4 Naizvozvo umwe wevadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti waSimoni wakange achazomutengesa, akati:
- 5 Mafuta awa aregerei kutengeswa nemadhenario* mazana matatu, akapiwa varombo?
- 6 Wakarevawo izvi, kwete kuti wakava nehanya nevarombo, asi nokuti waiva mbavha, uye waiva nechikwama, achitakura zvaiiswamo.
- 7 Naizvozvo Jesu wakati: Muregei; wamachengetedzera zuva rekuvigwa kwangu.
- 8 Nokuti varombo munavo nguva dzese, asi ini hamuneni nguva dzese.
- 9 Naizvozvo chaunga chikuru cheVaJudha chakaziva kuti aripo; ndokuuya kwete nekuda kwaJesu chete, asi kuti vaonewo Razaro, waakange amutsa kubva kuvakafa.
- 10 Asi vapristi vakuru vakarangana kuti vauraye Razarowo;
- 11 nokuti nekuda kwake vazhinji veVaJudha vaibva, vachitenda kuna Jesu.
- 12 Chifume chaunga chikuru chakange chauya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu anouya kuJerusarema,
- 13 vakatora matavi emichindwe, vakabuda kunomuchingamidza, vakadanidzira vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa anouya muzita raIshe, Mambo waIsraeri.
- 14 Zvino Jesu awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa zvichinzi:
- 15 Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako anouya, agere pamusoro pedhongwana rembongoro.
- 16 Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, ipapo vakazorangarira kuti zvinhu izvi zvakange zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakange vamuitira zvinhu izvi.
- 17 Naizvozvo chaunga chaiva naye paakadana Razaro kuti abude muguva, nekumumutsa kubva kuvakafa, chakapupura.
- 18 Saka chaunga chakamuchingamidzawo, nokuti vakange vanzwa kuti wakaita chiratidzo ichochi.
- 19 Naizvozvo VaFarisi vakataurirana, vachiti: Munoona kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.
- 20 Zvino kwaiva nevamwe VaGiriki pakati pevakange vakwira kuti vanonamata kumutambo;
- 21 ava ndokuuya kuna Firipi weBhetisaidha reGarirea, vakamukumbira vachiti: Ishe, tinoda kuona Jesu.
- 22 Firipi akasvika akaudza Andiriya; uye Andiriya naFiripi vakaudzazve Jesu.
- 23 Jesu ndokuvapindura achiti: Awa rasvika rekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe.
- 24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yega; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.
- 25 Anoda upenyu hwake acharasikirwa nahwo; neanovenga upenyu hwake panyika ino achahuchengetedza kusvikira kuupenyu husingaperi.
- 26 Kana munhu achindishandira, ngaanditevere; nepandiri ini, achavapowo muranda wangu. Uye kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.
- 27 Ikozvino mweya wangu unotambudzika; zvino ndichatii? Baba, ndiponesei paawa rino. Asi nekuda kweizvi ndasvika paawa rino.
- 28 Baba, kudzai zita renyu. Naizvozvo inzwi rakauya richibva kudenga, richiti: Ndarikudzawo, uye ndicharikudzazve.
- 29 Naizvozvo chaunga chakange chimire chichizvinzwa chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.
- 30 Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuuya nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu.
- 31 Ikozvino pane mutongo wenyika ino; ikozvino mutungamiriri wenyika ino achadzingirwa panze.
- 32 Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vese kwandiri.
- 33 Wakarevawo izvi achiratidza kuti waizofa nerufu rwakadini.
- 34 Chaunga chakamupindura chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu achagara nekusingaperi; zvino imwi moreva sei kuti: Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana wemunhu?
- 35 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Pachine chinguvana chiedza chichinemwi. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; uye anofamba murima haazivi kwaanoenda.
- 36 Muchine chiedza, tendai kuchiedza, kuti muve vana vechiedza. Jesu wakareva zvinhu izvi, akabva, akazvivanza kwavari.
- 37 Kunyange akange aita zviratidzo zvizhinji kudai pamberi pavo, havana kutenda kwaari;
- 38 kuti shoko raIsaya muporofita rizadziswe, raakareva achiti: Ishe, ndiani wakatenda mharidzo yedu? Neruoko rwaIshe rwakazarurirwa kuna ani?
- 39 Naizvozvo vakange vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakatizve:
- 40 Wakapofumadza meso avo, akaomesa moyo wavo; kuti varege kuona nemeso kana kunzwisisa nemoyo, vagotendeuka, ndigovaporesa.
- 41 Isaya wakareva zvinhu izvi, paakaona kubwinya kwake, ndokutaura pamusoro pake.
- 42 Asi kunyange zvakadaro, vazhinji vevatongiwo vakatenda kwaari; asi nekuda kweVaFarisi vakange vasingabvumi, kuti varege kubudiswa musinagoge;
- 43 nokuti vakada rukudzo rwevanhu kupfuura rukudzo rwaMwari.
- 44 Zvino Jesu wakadanidzira akati: Anotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kune wakandituma.
- 45 Neanoona ini, anoona wakandituma.
- 46 Ini ndakauya ndiri chiedza panyika, kuti ani nani anotenda kwandiri arege kugara murima.
- 47 Uye kana ani nani achinzwa mashoko angu akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuuya kuti nditonge nyika, asi kuti ndiponese nyika.
- 48 Uyo anondiramba asingagamuchiri mashoko angu, ane anomutonga; shoko randakareva, ndiro richamutonga nezuva rekupedzisira.
- 49 Nokuti ini handina kureva zvemusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.
- 50 Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu husingaperi; naizvozvo ini zvandinotaura, saBaba zvavakataura kwandiri, saizvozvo ndinotaura.