요한복음 16장 쇼나
- 1 Zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti murege kugumburwa.
- 2 Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inouya, apo umwe neumwe anokuurayai achafunga kuti anoitira Mwari basa.
- 3 Uye zvinhu izvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva Baba kana ini.
- 4 Asi zvinhu izvi ndataura kwamuri, kuti kana nguva yasvika, muzvirangarire kuti ini ndakakuudzai. Asi zvinhu izvi handina kuzvireva kwamuri kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.
- 5 Asi ikozvino ndinoenda kune wakandituma, uye hakuna umwe wenyu anondibvunza, achiti: Munoenda kupi?
- 6 Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri, kusuruvara kwazadza moyo wenyu.
- 7 Asi ini ndinokuudzai chokwadi: Zvakanaka kwamuri kuti ini ndiende; nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
- 8 Zvino kana asvika, iye achapwisa nyika nezvechivi, uye nezvekururama, uye nezvemutongo;
- 9 zvechivi, nokuti havatendi kwandiri;
- 10 uye zvekururama, nokuti ndinoenda kuna Baba vangu, uye hamuchazondionizve;
- 11 uye zvemutongo, nokuti mutungamiriri wenyika ino watongwa.
- 12 Ndichine zvinhu zvizhinji zvekutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura ikozvino;
- 13 asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake, asi chega chega chaanonzwa achataura, uye achakuzivisai zvinhu zvinouya.
- 14 Iye achandirumbidza, nokuti achatora pane zvangu, uye achazvizivisa kwamuri.
- 15 Zvese Baba zvavanazvo, ndezvangu; ndokusaka ndichiti achatora pane zvangu, agozivisa kwamuri.
- 16 Kwechinguvana uye hamuchandioni, uye kwechinguvanazve muchandiona, nokuti ini ndinoenda kuna Baba.
- 17 Zvino vamwe vevadzidzi vake vakataurirana vachiti: Chii ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguvana, hamuchandioni; uyezve kwechinguvana muchandiona; uye: Nokuti ini ndinoenda kuna Baba?
- 18 Naizvozvo vakati: Chii ichi chaanoreva: Chinguvana? Hatizivi chaanoreva.
- 19 Zvino Jesu waiziva kuti vakange vachishuva kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana pamusoro pezvizvi here kuti ndati: Kwechinguvana hamuchandioni, uyezve kwechinguvana muchandiona?
- 20 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi muchachema nekurira, asi nyika ichafara; uye imwi muchava nekusuruvara, asi kusuruvara kwenyu kuchava mufaro.
- 21 Mukadzi kana achisununguka ane marwadzo, nokuti awa rake rasvika; asi kana angopona mucheche, haacharangaririzve marwadzo, nekufara kuti munhu waponwa panyika.
- 22 Naizvozvo nemwi ikozvino mune kusuruvara; asi ndichazokuonaizve, nemoyo wenyu uchafara; uye hakuna munhu anokutorerai mufaro wenyu.
- 23 Zvino nezuva iro hamuchazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kuna Baba muzita rangu vachakupai.
- 24 Kusvikira ikozvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadzwe.
- 25 Zvinhu izvi ndataura kwamuri mumadimikira; nguva inouya apo ndisingazotaurizve kwamuri nemadimikira, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba.
- 26 Pazuva iro muchakumbira muzita rangu; uye handirevi kwamuri kuti ini ndichakukumbirirai kuna Baba;
- 27 nokuti Baba pachavo vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda kuti ini ndakabuda kuna Mwari.
- 28 Ndakabuda kuna Baba, uye ndakauya panyika; ndinobvazve panyika, uye ndinoenda kuna Baba.
- 29 Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai ikozvino motaura pachena, uye munotaura pasina dimikira.
- 30 Zvino tinoziva kuti munoziva zvinhu zvese, uye hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; neizvozvi tinotenda kuti makabuda kuna Mwari.
- 31 Jesu akavapindura akati: Ikozvino munotenda here?
- 32 Tarirai, awa rinouya, hongu ikozvino rasvika, rekuti muchaparadzirwa, umwe neumwe kune zvake, uye mundisiye ndega; izvo handisi ndega, nokuti Baba vaneni.
- 33 Ndareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve nerugare mandiri. Munyika muchava nedambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.