요한복음 18장 쇼나
- 1 Jesu areva zvinhu izvi wakabudira mhiri kwerukova Kedhironi nevadzidzi vake, paiva nebindu, maakapinda iye nevadzidzi vake.
- 2 NaJudhasiwo, wakamutengesa, wakange achiziva nzvimbo iyi; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo nevadzidzi vake.
- 3 Naizvozvo Judhasi, atora boka remauto, nemapurisa kubva kuvapristi vakuru neVaFarisi, wakauyapo nemwenje nemarambi nezvombo.
- 4 Naizvozvo Jesu, achiziva zvinhu zvese zvaizomuwira, wakabuda akati kwavari: Ndiani wamunotsvaka?
- 5 Vakamupindura vakati: Jesu muNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini. NaJudhasiwo wakamutengesa wakange amire navo.
- 6 Zvino wakati achiti kwavari: Ndini; vakasudurukira shure, vakawira pasi.
- 7 Zvino akavabvunzazve achiti: Ndiani wamunotsvaka? Ivo vakati: Jesu muNazareta.
- 8 Jesu akapindura achiti: Ndakuudzai kuti ndini iye; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende;
- 9 kuti shoko rizadziswe raakareva rekuti: Vamakapa kwandiri, handina kurasa umwe wavo.
- 10 Naizvozvo Simoni Petro ane munondo wakauvhomora ndokutema muranda wemupristi mukuru, ndokugura nzeve yake yerudyi. Uye zita remuranda uyo raiva Marikosi.
- 11 Naizvozvo Jesu wakati kuna Petro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe Baba wavakandipa, handingatongounwi here?
- 12 Zvino boka remauto nemukuru wechuru nemapurisa eVaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,
- 13 ndokutanga kumuendesa kuna Anasi; nokuti wakange ari mukarahwa waKayafasi, waiva mupristi mukuru gore iroro.
- 14 Zvino Kayafasi ndiye wakange araira VaJudha, kuti zvakanaka kuti munhu umwe afire rudzi.
- 15 Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, neumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikanwa nemupristi mukuru, akapinda naJesu muchivanze chemupristi mukuru;
- 16 asi Petro wakange amire pamukova panze. Naizvozvo kwakabuda umwe mudzidzi waizikanwa nemupristi mukuru, akataura nemurindikadzi wemukova, ndokupinza Petro.
- 17 Zvino murandakadzi murindi wemukova akati kuna Petro: Iwewo hausi umwe wevadzidzi vemunhu uyu here? Iye akati: Handisi.
- 18 Zvino varanda nemapurisa vakange vamire vavesa moto wemazimbe, nokuti kwaitonhora, uye vaidziya. Petrowo akamira navo achidziya.
- 19 Naizvozvo mupristi mukuru wakabvunza Jesu nezvevadzidzi vake, nezvedzidziso yake.
- 20 Jesu akamupindura akati: Ini ndakataura pachena kunyika; ini ndaidzidzisa nguva dzese musinagoge nemutembere, panoungana VaJudha nguva dzese, uye handina kureva chinhu pakavanda.
- 21 Unobvunzirei ini? Bvunza avo vainzwa, zvandaitaura kwavari; tarira, ndivo vanoziva ini zvandakareva.
- 22 Wakati areva zvinhu izvi, umwe wemapurisa wakange amirepo akarova Jesu nembama, achiti: Ko unopindura mupristi mukuru saizvozvo?
- 23 Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvezvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka, wandiroverei?
- 24 Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru.
- 25 Zvino Simoni Petro wakange amire achidziya moto; naizvozvo vakati kwaari: Hausi iwewo umwe wevadzidzi vake here? Iye akaramba, akati: Handisi.
- 26 Umwe wevaranda vemupristi mukuru, ari hama yewenzeve Petro yaakagura akati: Ini handina kukuona mubindu unaye here?
- 27 Naizvozvo Petro akarambazve; zvino pakarepo jongwe rakarira.
- 28 Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakamuisa kuimba yemutungamiriri; uye aiva mambakwedza, asi ivo havana kupinda mumba memutungamiriri, kuti varege kusvibiswa, asi kuti vadye pasika.
- 29 Naizvozvo Pirato akabudira kwavari, akati: Imhosva yei yamunoisa pamunhu uyu?
- 30 Vakapindura vakati kwaari: Dai uyu asaiva anoita zvakaipa, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri.
- 31 Naizvozvo Pirato wakati kwavari: Mutorei imwi, mumutonge zvinoenderana nemurairo wenyu. Naizvozvo VaJudha vakati kwaari: Hazvisi pamutemo kwatiri kuti tiuraye munhu;
- 32 kuti shoko raJesu rizadziswe raakareva, achiratidza kuti kufa rudzii kwaaifanira kufa nako.
- 33 Naizvozvo Pirato wakapindazve mumba memutungamiriri, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo weVaJudha here?
- 34 Jesu akamupindura akati: Unozvireva izvi pachako here, kana vamwe vakuudza pamusoro pangu?
- 35 Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako nevapristi vakuru vakukumikidza kwandiri; waitei?
- 36 Jesu akapindura akati: Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; kana ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuVaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwepano.
- 37 Naizvozvo Pirato wakati kwaari: Saka uri iwe mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe, kuti ini ndiri mambo. Ini ndakaberekerwa izvi, uye ndakauira izvi munyika kuti ndipupurire chokwadi. Umwe neumwe wechokwadi anonzwa inzwi rangu.
- 38 Pirato akati kwaari: Chokwadi chii? Zvino wakati areva izvi, akabudirazve kuVaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.
- 39 Asi mune tsika, kuti ndikusunungurirei umwe papasika; naizvozvo munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here?
- 40 Ipapo vakadanidzirazve vese, vachiti: Kwete uyu, asi Bharabhasi; zvino Bharabhasi wakange ari gororo.