요한복음 21장 쇼나
- 1 Shure kwezvinhu izvi Jesu wakazviratidzazve kuvadzidzi pagungwa reTibheriasi; uye wakazviratidza sezvizvi:
- 2 Vaiva pamwe Simoni Petro, naTomasi anonzi Dhidhimo, naNatanieri waibva Kana yeGarirea, nevanakomana vaZebhedhi, nevamwe vaviri vevadzidzi vake.
- 3 Simoni Petro akati kwavari: Ndoenda kunobata hove. Vakati kwaari: Nesu toenda newe. Vakabuda ndokupinda muchikepe pakarepo, asi usiku uhwo havana kubata chinhu.
- 4 Zvino kwakati kwatova mambakwedza, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu.
- 5 Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Vana vadiki, mune chero usavi here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.
- 6 Ndokuti kwavari: Kandai mumbure kurutivi rwerudyi rwechikepe, uye muchawana. Naizvozvo vakakanda, zvino vakasazogonazve kuukweva nekuwanda kwehove.
- 7 Naizvozvo mudzidzi uya Jesu waaida wakati kuna Petro: NdiIshe. Ipapo Simoni Petro anzwa kuti ndiIshe, wakamonera nguvo yake yekunze (nokuti wakange akashama), akazviwisira mugungwa.
- 8 Asi vamwe vadzidzi vakauya nechikepe chidiki, vachikweva mumbure une hove, nokuti vakange vasiri kure nenyika, asi mbimbi dzinenge mazana maviri.
- 9 Zvino vakati vachisvika panyika, vakaona moto wemazimbe wakaiswapo, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa.
- 10 Jesu akati kwavari: Uisai dzimwe dzehove dzamabata ikozvino.
- 11 Simoni Petro akakwira, akakwevera mumbure panyika, uzere nehove huru, zana nemakumi mashanu nenhatu; uye kunyange dzaiva zhinji dzakadai, mumbure hauna kubvaruka.
- 12 Jesu akati kwavari: Uyai mudye. Asi hakuna kuvadzidzi wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimwi ani imwi? vachiziva kuti ndiIshe.
- 13 Naizvozvo Jesu wakauya, ndokutora chingwa, akavapa, nehove saizvozvo.
- 14 Urwu rwatova rwechitatu Jesu achizviratidza kuvadzidzi vake, amutswa kubva kuvakafa.
- 15 Zvino vakati vadya, Jesu akati kuna Simoni Petro: Simoni waJona, unondida kupfuura ava here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Chedza makwayana angu.
- 16 Akati kwaarizve rwechipiri: Simoni waJona, unondida here? Akati kwaari: Hongu Ishe; imwi munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwai angu.
- 17 Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona, unondida here? Petro akarwadziwa nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvese; imwi munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chedza makwai angu.
- 18 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Pawaiva mudiki, waizvisunga bhande, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatandavadza maoko ako, uye umwe achakusunga bhande, achikuisa kwausingadi.
- 19 Wakareva izvi, achiratidza kuti mafiro rudzii aaizokudza Mwari nawo. Zvino wakati areva izvi, akati kwaari: Nditevere.
- 20 Petro achitendeuka wakaona mudzidzi Jesu waaida achitevera, ndiyewo wakazendamira pachifuva chake pachirairo, akati: Ishe, ndiani achakutengesai?
- 21 Petro wakati achimuona akati kuna Jesu: Ishe, ko uyu?
- 22 Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo? Nditevere iwe.
- 23 Zvino shoko iri rakabudira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haazofi; asi wakati: Kana ndichida kuti agare kusvikira ndichiuya, unei nazvo?
- 24 Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvezvinhu izvi, nekunyora zvinhu izvi; uye tinoziva kuti uchapupu hwake ichokwadi.
- 25 Uyewo zvimwe zvizhinji zviriko Jesu zvaakaita; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinofunga kuti kunyange nyika pachayo haizaiva nenzvimbo yemabhuku anganyorwa. Amen.