사도행전 11장 쇼나
- 1 Zvino vaapositori nehama dzaiva paJudhiya vakanzwa kuti vahedheni vagamuchirawo shoko raMwari.
- 2 Zvino Petro wakati akwira kuJerusarema, vekudzingiswa vakapokana naye,
- 3 vachiti: Wakapinda muvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
- 4 Asi Petro atanga wakavarondedzera zvichitevedzana achiti:
- 5 Ini ndakange ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, zvino muchiyeverwa ndakaona chiratidzo, umwe mudziyo wakaburuka, semucheka mukuru unoburuswa kubva kudenga nemakona mana, ndokusvika kwandiri;
- 6 wandakati ndatarisisa ndacherekedza, zvino ndakaona mhuka dzine makumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
- 7 Zvino ndakanzwa inzwi richiti kwandiri: Simuka, Petro, baya udye.
- 8 Asi ndakati: Aiwa kwete Ishe; nokuti hakuna chisakachena kana chine tsvina chakatongopinda mumuromo mangu.
- 9 Asi inzwi rakandipindura rwechipiri richibva kudenga richiti: Mwari chaachenesa, iwe usati chakasviba.
- 10 Uye izvi zvakaitika kusvikira katatu, zvese ndokukweverwazve kumusoro kudenga.
- 11 Zvino tarira, pakarepo varume vatatu vamire pamberi pemba yandakange ndiri, vatumwa kwandiri kubva kuKesariya.
- 12 Mweya ndokuti kwandiri ndiende navo, ndisiri asina chokwadi nechinhu; nehama idzi nhanhatuwo dzakaenda neni, zvino takapinda mumba memurume uyu;
- 13 iye akatipira kuti wakaona sei mutumwa amire mumba make, achiti kwaari: Tumira varume kuJopa, ugodana Simoni, anonzi Petro,
- 14 achakuudza mashoko, auchaponeswa nawo iwe nemhuri yako yese.
- 15 Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene wakaburukira pamusoro pavowo, sezvazvakaita pamusoro pedu pakutanga.
- 16 Zvino ndakarangarira shoko raIshe, kuti wakataura sei achiti: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene.
- 17 Naizvozvo kana Mwari avapa chipo chakafanana nechaakapa kwatiriwo, takatenda kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaiva ani waigona kudzivisa Mwari?
- 18 Zvino vakati vanzwa zvinhu izvozvi vakanyarara, vakarumbidza Mwari, vachiti: Naizvozvo Mwari wakapawo kuvahedheni kutendeukira kuupenyu.
- 19 Zvino avo vakapararira nekushushwa kwakaitika pamusoro paSitefano vakagura kusvikira paFenikia neSaipuresi neAndiyokiya, vasingatauri shoko kuna ani asi kuVaJudha chete.
- 20 Asi kwaiva nevamwe vavo, varume VaSaipuresi neVaSairini vakati vasvika kuAndiyokiya, vakataura kuVaHerenisiti*, vachiparidza mashoko akanaka aIshe Jesu.
- 21 Neruoko rwaIshe rwaiva navo; uye uwandu ukuru hwakatenda hukatendeukira kuna Ishe.
- 22 Zvino shoko pamusoro pavo rikanzwikwa munzeve dzekereke yaiva paJerusarema; zvino vakatuma Bhanabhasi kuti agure kunosvika Andiyokiya;
- 23 iye asvika ndokuona nyasha dzaMwari akafara, akavakurudzira vese kuti varambire panaIshe nekuzvipira kwemoyo;
- 24 nokuti waiva murume wakanaka, uye azere neMweya Mutsvene uye nekutenda; chaunga chikuru ndokuwedzerwa kuna Ishe.
- 25 Bhanabhasi ndokubuda akaenda kuTaso kunotsvaka Sauro.
- 26 Zvino wakati amuwana akamuuisa kuAndiyokiya. Zvino zvikaitika kuti gore rese vakaungana mukereke vakadzidzisa chaunga chikuru; uye vadzidzi vakatanga kunzi vaKristu paAndiyokiya.
- 27 Zvino nemazuva iwayo, vaporofita vakaburukira kuAndiyokiya vachibva kuJerusarema.
- 28 Zvino kwakasimuka umwe wavo wainzi Agabhusi, ndokuratidza neMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yese; yakaitikawo panguva yaKiraudhio Kesari.
- 29 Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;
- 30 zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBhanabhasi naSauro.