사도행전 12장 쇼나
- 1 Nenguva iyoyo Herodhe mambo wakaisa maoko kuti atambudze vamwe kubva mukereke.
- 2 Ndokuuraya Jakobho mukoma waJohwani nemunondo.
- 3 Zvino wakati achiona kuti zvinofadza VaJudha, wakapfuurira mberi akabata Petrowo; zvino aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso;
- 4 akati amubatawo akaisa mutirongo, akamukumikidza kumapoka mana evanhu vana emauto kuti vamurinde, achida kumuisa kuvanhu mushure mepasika.
- 5 Naizvozvo Petro wakachengetwa mutirongo; asi munyengetero wakaenderera mberi uchiitwa nekereke kuna Mwari uchiitirwa iye.
- 6 Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petro wakange arere pakati pemauto maviri, akasungwa nemaketani maviri; nevarindi pamberi pemusuwo vakarinda tirongo.
- 7 Zvino tarira, mutumwa waIshe wakamirapo, chiedza ndokupenya muchitokisi; zvino akarova rutivi rwaPetro, akamumutsa achiti: Simuka nekukurumidza. Zvino maketani ake akawa pamaoko ake.
- 8 Mutumwa ndokuti kwaari: Zvisunge chiuno, uye sunga manyatera ako. Ndokuita saizvozvo. Zvino akati kwaari: Monera nguvo yako, unditevere.
- 9 Zvino wakabuda akamutevera; uye asingazivi kuti ichokwadi chinoitwa nemutumwa, asi waifunga kuti anoona chiratidzo.
- 10 Zvino vakati vapfuura chirindo chekutanga nechepiri, vakasvika pasuwo reutare raipinda muguta; iro rakavazarukira rega; zvino vakabuda, vakapfuura nzira imwe yemumusha, pakarepo mutumwa ndokubva kwaari.
- 11 Zvino Petro, wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe watuma mutumwa wake, uye wandisunungura paruoko rwaHerodhe netarisiro yese yevanhu veVaJudha.
- 12 Zvino wakati arangarira akaenda kumba kwaMaria mai vaJohwani wainzi Mariko, vazhinji pavakange vakaungana vachinyengetera.
- 13 Zvino Petro wakati agogodza pagonhi resuwo, murandakadzi wakauya kuzoteerera, wainzi Rodha.
- 14 Zvino wakati achiziva inzwi raPetro, haana kuzarura suwo nekuda kwemufaro, asi wakamhanyira mukati akavaudza kuti Petro amire pamberi pesuwo.
- 15 Asi vakati kwaari: Unopenga. Asi wakaramba achisimbisa kuti zvaiva zvakadaro. Ivo ndokuti: Mutumwa wake.
- 16 Asi Petro wakaramba achigogodza; zvino vakati vazarura vakamuona, vakashamisika.
- 17 Zvino wakavaninira neruoko kuti vanyarare, akavarondedzera kuti Ishe wakamubudisa sei mutirongo, akati: Pirai kuna Jakobho nekuhama zvinhu izvi. Zvino akabuda akaenda kune imwe nzvimbo.
- 18 Zvino kwakati kwaedza, bongozozo risati riri diki rikavapo pakati pemauto, kuti chii chakawira Petro.
- 19 Zvino Herodhe wakati amutsvaka akasamuwana, wakabvunzisisa varindi, akaraira kuti vabviswe. Zvino akabva Judhiya akaburukira Kesariya akagarako.
- 20 Zvino Herodhe wakatsamwira zvikuru veTire neVaSidhoni; asi vakauya kwaari nemoyo umwe, vakashamwaridzana naBhurasto mutariri weimba yekurara yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa kudya nenyika yamambo.
- 21 Zvino nezuva rakatarwa Herodhe wakapfeka nguvo dzeumambo, akagara pachigaro chekutonga, akaita nhaurwa kwavari.
- 22 Vanhu ndokudanidzira vachiti: Inzwi raMwari, uye kwete remunhu.
- 23 Zvino pakarepo mutumwa waIshe wakamurova, nokuti haana kupa Mwari rukudzo; ndokudyiwa nehonye, akapera.
- 24 Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.
- 25 Zvino Bhanabhasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohwaniwo wainzi Mariko.