사도행전 16장 쇼나
- 1 Zvino wakasvika kuDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda, asi wababa muGiriki;
- 2 waipupurirwa zvakanaka nehama dzepaRistra neIkonio.
- 3 Uyu Pauro wakada kuti abude naye, ndokumutora akamudzingisa nekuda kweVaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vese vakange vachiziva baba vake, kuti muGiriki.
- 4 Zvino vakati vachigura nemumaguta, vakavakumikidza zviga zvakatemwa nevaapositori nevakuru vaiva paJerusarema kuti vachengete.
- 5 Naizvozvo makereke akasimbiswa parutendo, ndokuwedzera pauwandu zuva nezuva.
- 6 Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kutaura shoko paAsia,
- 7 vakati vasvika pakatarisana neMisia vakaidza kuenda kuBhitiniasi; asi Mweya haana kuvatendera;
- 8 zvino vakati vapfuura paMisia vakaburukira kuTroasi.
- 9 Chiratidzo ndokuonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume muMakedhonia wakange amirepo, achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira kuMakedhonia, utibatsire.
- 10 Zvino wakati achiona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende kuMakedhonia, tapedza tichiti Ishe watidana kunoparidza evhangeri kwavari.
- 11 Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira kuSamotirasi, fumewo kuNeapori,
- 12 ndokubvapo tikaenda kuFiripi, rinova guta rekutanga redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; uye takagara mamwe mazuva muguta iri.
- 13 Zvino nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; zvino takagara pasi tikataura nevakadzi vakange vaunganapo.
- 14 Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa; moyo wake Ishe waakazarura, kuti ateerere zvinhu zvinotaurwa naPauro.
- 15 Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira achiti: Kana matonga kuti ndakatendeka kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Zvino akatigombedzera.
- 16 Zvino takati pataipinda kumunyengetero, umwe murandasikana waiva nemweya wekuuka wakasangana nesu, waivigira vatenzi vake mubairo muzhinji nekuuka.
- 17 Uyu wakatevera Pauro nesu, achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.
- 18 Zvino izvi wakazviita mazuva mazhinji. Pauro wakati asemburwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Zvino ukabuda nenguva iyoyo.
- 19 Vatenzi vake vakati vaona kuti tariro yemubairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevakuru,
- 20 vakati vavauisa kuvatungamiriri vakati: Vanhu ava vanovhiringidza guta redu, vari VaJudha,
- 21 uye vanoparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kuita, tiri vanhu VaRoma.
- 22 Zvino chaunga chikavamukira pamwe, uye vatungamiriri vakavabvarurira nguvo vakaraira kuti vavarove netsvimbo.
- 23 Vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo;
- 24 iye, agamuchira murairo wakadaro, wakavakanda mutirongo remukati, akasimbisa tsoka dzavo mudanda.
- 25 Zvino panenge pakati peusiku Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo dzekurumbidza kuna Mwari, uye vasungwa vaivanzwa;
- 26 zvino pakarepo kwakavapo kudengenyeka kwenyika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; zvino pakarepo mikova yese ikazarurwa, nezvisungo zvevese zvikasunungurwa.
- 27 Murindi wetirongo wakati apepuka, uye aona mikova yetirongo yakazarurwa, akavhomora munondo, oda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.
- 28 Asi Pauro wakadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nokuti tiri muno tese.
- 29 Zvino wakakumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda akawira pasi pamberi paPauro naSirasi,
- 30 zvino akati avabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
- 31 Zvino vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe neimba yako.
- 32 Zvino vakataura kwaari shoko raIshe, nekune vese vaiva mumba make.
- 33 Ndokuvatora nenguva iyoyo yeusiku akavashambidza pamavanga, ndokubhabhatidzwa pakarepo iye nevake vese.
- 34 Zvino wakati avaisa mumba make ndokugadzika tafura pamberi pavo, akafara neimba yake yese achitenda kuna Mwari.
- 35 Zvino kwakati kwaedza vatungamiriri vakatuma mapurisa vachiti: Sunungurai vanhu avo.
- 36 Murindi wetirongo ndokuudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatungamiriri vatuma shoko, kuti musunungurwe; naizvozvo budai ikozvino muende murugare.
- 37 Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhosva tiri vanhu VaRoma, vakatikanda mutirongo, zvino ikozvino votikanda panze chinyararire here? Haiwa, kwete! Asi vanofanira kuuya vamene vatibudise.
- 38 Mapurisa ndokuudza vatungamiriri mashoko iwayo; zvino vakatya pavakanzwa kuti VaRoma,
- 39 ndokuuya vakavakumbira, zvino vakavabudisa vakakumbira kuti vabude muguta.
- 40 Zvino vakabuda mutirongo vakapinda kwaRidhia; ndokuti vaona hama, vakavanyaradza, vakabva ndokuenda.