사도행전 19장 쇼나
- 1 Zvino zvakaitika, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro akasvika paEfeso; akawana vamwe vadzidzi,
- 2 akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda? Zvino vakati kwaari: Asi hatina kutongonzwa kana kune Mweya Mutsvene.
- 3 Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Zvino vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.
- 4 Zvino Pauro wakati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anouya shure kwake, ndiko kuti, kuna Kristu Jesu.
- 5 Zvino vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.
- 6 Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo; vakataura nendimi, ndokuporofita.
- 7 Zvino varume vese vainge gumi nevaviri.
- 8 Zvino wakapinda musinagoge akataura akashinga, kwemwedzi mitatu achiparidza achipwisa pazvinhu zveushe hwaMwari.
- 9 Asi vamwe vakati vachiomesa moyo uye vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga, akabva kwavari akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tiranosi.
- 10 Zvino izvi zvakaitika kwemakore maviri, zvekuti vese vakange vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vese VaJudha neVaGiriki.
- 11 Mwari ndokuita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,
- 12 zvekuti kunyange kuvarwere kwaiiswa micheka yekumeso kana mafasikoti zvaibva pamuviri wake, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda kwavari.
- 13 Zvino vamwe VaJudha vambeyi vadzingi vemweya yakaipa, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu Pauro waanoparidza.
- 14 Zvino paiva nevamwe vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mupristi mukuru vaiita izvi.
- 15 Mweya wakaipa ndokupindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva nezvake; asi imwi ndimwi vana ani?
- 16 Zvino munhu mweya wakaipa wawaiva paari akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba umo vasina nguvo vakuvadzwa.
- 17 Zvino izvi zvikazikanwa kune vese VaJudha neVaGirikiwo vakange vagere paEfeso; kutya ndokuvawira vese; zita raIshe Jesu ndokukudzwa.
- 18 Zvino vazhinji vevakange vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.
- 19 Zvino vazhinji vevaiita zveun'anga vakaunganidza mabhuku pamwe vakaapisa pamberi pevese; ndokuverenga mutengo wawo, zvino vakawana masirivheri zvuru makumi mashanu.
- 20 Naizvozvo shoko raIshe rakakura nesimba rikakunda.
- 21 Zvino izvi zvakati zvapera, Pauro wakazvipira mumweya, ambogura nepaMakedhonia neAkaya, kuenda kuJerusarema, achiti: Shure kwekuva kwangu ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.
- 22 Zvino akatumira kuMakedhonia vaviri vevaimushandira, Timotio naErasto, iye akagara muAsia kwenguva.
- 23 Zvino nenguva iyoyo nyonga-nyonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.
- 24 Nokuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, waiuisa mubairo usati uri mudiki kumhizha;
- 25 wakadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tine upfumi hwedu.
- 26 Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yese, Pauro uyu wakagombedzera nekutsausa chaunga chikuru, achiti vakaitwa nemaoko havasi vamwari.
- 27 Zvino hazvisi izvi chete kuti chikamu chedu chisvike panjodzi yekuzvidzwa, asi netembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichaitwa chinhu pasina neukuru-kuru hwake huchaderedzwa, iye Asia nenyika yese wavanonamata.
- 28 Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!
- 29 Zvino guta rese rakazadzwa nenyonga-nyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panhandare, vakakweva Gayo naArisitako VaMakedhonia, vaperekedzi vaPauro.
- 30 Zvino Pauro akada kupinda muchaunga, vadzidzi havana kumutendera.
- 31 Uye nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kuzvipinza panhandare.
- 32 Zvino vamwe vakadanidzira chimwe vamwe chimwe; nokuti ungano yakange yanyonganiswa, uye vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.
- 33 Zvino vakabudisira Arekisandiro kunze kubva muchaunga, VaJudha vachimusundira mberi. Zvino Arekisandiro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira kuvanhu.
- 34 Asi pavakaziva kuti muJudha, inzwi rimwe rakamuka kune vese, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Mukuru Dhiana weVaEfeso!
- 35 Zvino munyori wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, nokuti munhu ndeupi aripo asingazivi kuti guta reVaEfeso ndiro muchengetedzi wetembere yamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kudenga.
- 36 Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, munofanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.
- 37 Nokuti mauisa varume ava, vasiri makororo edzitembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.
- 38 Naizvozvo kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe, matare emhosva akazarurwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.
- 39 Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererano nezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.
- 40 Nokuti tiri munjodziwo yekupiwa mhosva yebongozozo ranhasi zvapasina chikonzero chatingapa nacho rondedzero yenyongano iyi.
- 41 Zvino wakati ataura izvozvi, akaparadza ungano.