사도행전 2장 쇼나
- 1 Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vese vakange vari pamwe nemoyo umwe.
- 2 Pakarepo kwakauya mutinhiro kubva kudenga sewemhepo inovhuvhuta nesimba, ndokuzadza imba yese mavakange vagere.
- 3 Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo.
- 4 Zvino vese vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.
- 5 Zvino kwaigara paJerusarema VaJudha, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwese rwevari pasi pedenga.
- 6 Zvino mutinhiro uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nokuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwake.
- 7 Zvino vakakatyamara vese vakashamisika vakataurirana vachiti: Tarirai, ava vese vanotaura havasi VaGarirea here?
- 8 Zvino isu tinonzwa sei umwe neumwe nerurimi rwekwedu, rwatakaberekwa narwo?
- 9 VaPatia neVaMedhia neVaEramu, nevagari veMesopotamia, neveJudhiya neveKapadhokiasi, vePonto neveAsia,
- 10 neveFrigia nevePamufiriya, veEgipita nevemativi eRibhia pedo neKurini, nevaeni veRoma, vese VaJudha nevakatendeukira kuVaJudha,
- 11 VaKrete neVaArabhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.
- 12 Zvino vakakatyamara vese, vakashamiswa vachiti umwe kune umwe: Ichi chingava chii?
- 13 Asi vamwe vakatsvinya vachiti: Vararadza waini inotapira.
- 14 Zvino Petro amire nevanegumi neumwe, wakasimudza inzwi rake, ndokuti kwavari: Varume VaJudha, nevese vagere muJerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe kwamuri, uye muteerere kumashoko angu.
- 15 Nokuti ava havana kuraradza sezvamunofunga imwi; nokuti iawa rechitatu rezuva;
- 16 asi ichi ndicho chakataurwa nemuporofita Joweri achiti:
- 17 Zvino zvichava mumazuva ekupedzisira, anodaro Mwari, ndichadurura zveMweya wangu pamusoro penyama yese; nevanakomana venyu nevanasikana venyu vachaporofita, uye majaya enyu achaona zviratidzo, nevatana venyu vacharota hope;
- 18 uye nepamusoro pevaranda vangu nepamusoro pevarandakadzi vangu, nemazuva iwayo ndichadurura zveMweya wangu, uye vachaporofita.
- 19 Zvino ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa, nemoto, nemhute yeutsi.
- 20 Zuva richashandurwa kuva rima, nemwedzi kuva ropa, risati rasvika zuva raIshe guru uye rinobwinya;
- 21 zvino zvichava kuti ani nani anodana zita raIshe achaponeswa.
- 22 Varume VaIsraeri, inzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo Mwari zvaakaita pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunozivawo imwi momene,
- 23 iye wakakumikidzwa nezano rakamiswa nekuziva zviri mberi kwaMwari, mukamutora, nemaoko evasina murairo mukaroverera pamuchinjikwa mukauraya;
- 24 iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakange zvisingagoneki kuti abatwe narwo.
- 25 Nokuti Dhavhidhi wakataura maererano naye: Ndaiona Ishe pamberi pangu nguva dzese; nokuti ari kuruoko rwerudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
- 26 Naizvozvo moyo wangu wakafara, nerurimi rwangu rwakafarisisa; uyezve nenyama yangu ichazorora mutariro.
- 27 Nokuti hamuzosii mweya wangu mugehena, kana kutendera Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
- 28 Makandizivisa nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro nechiso chenyu.
- 29 Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti zvese vakafa uye vakavigwa, neguva ravo riri pakati pedu kusvikira zuva rino.
- 30 Naizvozvo ari muporofita, uye achiziva kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kuchibereko chechiuno chake panyama achasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake cheushe,
- 31 aona zviri mberi, wakareva zvekumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiiwa mugehena, kana nyama yake kuona kuora.
- 32 Uyu Jesu Mwari wakamumutsa, watiri zvapupu zvazvo tese.
- 33 Naizvozvo asimudzirwa kuruoko rwerudyi rwaMwari, agamuchira kuna Baba chivimbiso cheMweya Mutsvene, wadurura izvi imwi zvamunoona nezvamunonzwa ikozvino.
- 34 Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kumatenga, asi anoti amene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,
- 35 kusvikira ndichiita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
- 36 Naizvozvo imba yese yaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakamuita zvese Ishe naKristu, iyeyu Jesu wamakaroverera pamuchinjikwa imwi.
- 37 Zvino vakati vachinzwa izvi vakabaiwa pamoyo, ndokuti kuna Petro nevamwe vaapositori: Varume hama, tichaitei?
- 38 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.
- 39 Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.
- 40 Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka.
- 41 Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zvuru zvitatu.
- 42 Vakarambira padzidziso yevaapositori nepakuwadzana, nepakumedura chingwa nepaminyengetero.
- 43 Uye kutya kukawira pamusoro pemweya wega-wega; uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa nevaapositori.
- 44 Nevaitenda vese vaiva pamwe, uye vakava nezvinhu zvese panhu pamwe,
- 45 ndokutengesa zvavaiva nazvo nenhumbi, vakazvigovana vese, umwe neumwe paaishaiwa napo.
- 46 Zuva rimwe nerimwe vakange vachitsungirira mutembere nemoyo umwe, uye vaimedura chingwa paimba neimba, vachidya kudya nemufaro nemoyo wakachena,
- 47 vachirumbidza Mwari, vachifarirwa nevanhu vese. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vanoponeswa.