사도행전 21장 쇼나
- 1 Zvino zvakaitika kuti tichibva nechikepe taparadzana navo, takafamba nenzira yakarurama tikasvika muKose, neraitevera muRodhe, tikabvapo tikasvika Patara;
- 2 ndokuti tawana chikepe chaiyambukira kuFonisiya, takapinda tikaenda nechikepe.
- 3 Takati tabudikira Saipuresi, ndokuisiya kuruoko rweruboshwe, tikaenda kuSiriya nechikepe, tikamhara paTire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo;
- 4 zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati neMweya kuna Pauro, arege kukwira kuJerusarema.
- 5 Zvino zvakaitika kuti takapedza mazuva, tikabva tikaenda, vese vakatiperekedza nevakadzi nevana kusvikira kunze kweguta; zvino takafugama nemabvi pamahombekombe tikanyengetera.
- 6 Zvino tawonekana, takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.
- 7 Asi isu takati tapedza rwendo nechikepe kubva kuTire, takasvika kuPitoremai, tikakwazisa hama tikagara navo zuva rimwe.
- 8 Chifume isu taiva naPauro takabva tikasvika kuKesariya; ndokupinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.
- 9 Uyuwo wakange ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.
- 10 Zvino takati tagara mazuva mazhinji, kwakaburuka kubva kuJudhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,
- 11 ndokusvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga maoko nemakumbo ake, akati: Mweya Mutsvene anoreva izvi: Murume bhanhire iri riri rake, VaJudha paJerusarema vachamusunga saizvozvi, nekumukumikidza mumaoko evahedheni.
- 12 Zvino takati tanzwa zvinhu izvi tese isu nevenzvimbo iyo tikakumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.
- 13 Asi Pauro wakapindura akati: Munoitei muchichema nekuputsa moyo wangu? Nokuti ini ndakagadzirira, kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.
- 14 Zvino wakati asingapwiswi, takanyarara tikati: Chido chaIshe ngachiitwe.
- 15 Zvino shure kwemazuva iwayo takarongedza, tikakwira kuJerusarema.
- 16 Nevamwewo vevadzidzi veKesariya vakaenda nesu, vakauya neumwe Minasoni weSaipuresi, mudzidzi wekare, watainogara naye.
- 17 Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzakatigamuchira nemufaro.
- 18 Chifume Pauro wakapinda nesu kuna Jakobho, nevakuru vese vakange varipo.
- 19 Zvino wakati avakwazisa, wakarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu Mwari chaakaita pakati pevahedheni neshumiro yake.
- 20 Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe; vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zveVaJudha vanotenda; uye vese vanoshingairira murairo;
- 21 zvino vakaudzwa nezvako, kuti unodzidzisa VaJudha vese vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.
- 22 Ko zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane; nokuti vachanzwa kuti wasvika.
- 23 Naizvozvo ita izvi zvatinoreva kwauri; tine varume vana vane mhiko pamusoro pavo;
- 24 vatore pamwe newe, uzvichenure pamwe navo, uye uripe muripo wavo, kuti vaveure musoro, kuti vese vazive kuti zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo, asi iwewo pachako unofamba zvakarurama uchichengeta murairo.
- 25 Asi maererano nevahedheni vanotenda isu tanyora, tikatema kuti vasachengeta chinhu chakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabairwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.
- 26 Ipapo Pauro wakatora varume avo, zuva raitevera akazvichenura pamwe navo, akapinda mutembere kupira kupera kwemazuva ekunatswa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe wavo.
- 27 Zvino mazuva manomwe akati opera, VaJudha vaibva kuAsia pavakamuona mutembere, vakamutsa chaunga chese, ndokuisa maoko kwaari.
- 28 Vakadanidzira, vachiti: Varume VaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vese kwese-kwese zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino; pamusoro pazvo anouisa VaGirikiwo mutembere, ndokusvibisa nzvimbo ino tsvene.
- 29 Nokuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifunga kuti Pauro wamupinza mutembere.
- 30 Neguta rese rakanyonganiswa; vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere; mikova ikazarirwa pakarepo.
- 31 Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru wehondo, kuti Jerusarema rese ranyonganiswa.
- 32 Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari; ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.
- 33 Zvino mukuru wechuru chemazana wakaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri, akabvunza kuti waiva ani, uye kuti waitei.
- 34 Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe vamwe chimwewo; zvino asingagoni kuziva chokwadi nekuda kwenyonga-nyonga, wakaraira kuti aiswe kuimba yemauto.
- 35 Zvino wakati asvika pamitanho, zvakaitika kuti atakurwe nemauto nekuda kwemhirizhonga yechaunga;
- 36 nokuti chaunga chevanhu chakatevera chichidanidzira chichiti: Mubvise!
- 37 Pauro wakati oda kupinzwa muimba yemauto akati kumukuru wechuru: Zvinotenderwa here kuti nditaure chinhu kwauri? Iye ndokuti: Unoziva chiGiriki here?
- 38 Ko iwe hausi uya muEgipita wakamutsa bongozozo mazuva ano asati asvika here, akatungamirira kurenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?
- 39 Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha, weTaso yeKirikia, mugari weguta risina kureruka. Zvino ndinokukumbirai, nditenderei kutaura kuvanhu.
- 40 Zvino wakati amutendera, Pauro wakamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino kwakati kwanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti: