사도행전 24장 쇼나
- 1 Zvino mushure memazuva mashanu Ananiasi mupristi mukuru wakaburuka nevakuru neumwe mumiririri wainzi Teturo; vakamhan'arira Pauro kumutungamiriri.
- 2 Zvino wakati adanwa, Teturo akatanga kumupa mhosva achiti: Rugare rukuru tinorwuwana nemwi, nemabasa akanaka akaitika murudzi rwuno neurongwa hwenyu,
- 3 tinozvigamuchira nemitoo yese nepanzvimbo dzese, changamire Ferikisi, nekuvonga kwese.
- 4 Asi kuti ndisaramba ndichikubatirirai, ndinokukumbirai zvikuru kuti netsitsi dzenyu mutinzwe muchidimbu.
- 5 Nokuti takawana murume uyu ari hosha huru, anomutsa bongozozo pakati peVaJudha vese panyika yese, ari mutungamiriri weboka reVaNazareta.
- 6 Iye wakaidzawo kushatisa tembere; watakabatawo tichida kumutonga maererano nemurairo wedu,
- 7 zvino mukuru wehondo Risiasi wakauya ndokumutora nechisimba chikuru mumaoko edu,
- 8 akaraira vaimupa mhosva kuti vauye kwamuri; wamunogona kuti mukumubvunzisisa momene muchawana ruzivo rwezvinhu izvi zvese isu zvatinomupira mhosva.
- 9 NeVaJudha vakabvumawo, vachiti zvinhu izvi zvakadaro.
- 10 Zvino Pauro wakapindura, mutungamiriri amuninira kuti ataure, akati: Nokuti ndinoziva kuti mava wemakore mazhinji muri mutongi kurudzi urwu, ndinozvidavirira nemufaro mukuru zviri maererano neni,
- 11 sezvo mungagona kuziva kuti mazuva achigere kupfuura gumi nemaviri kwandiri, kubvira pandakakwira kuJerusarema kunonamata;
- 12 uye havana kundiwana mutembere ndichiita nharo nemunhu, kana kumutsira chaunga bongozozo, kunyange mumasinagoge kana muguta rese;
- 13 uye havagoni kupa uchapupu pamusoro pezvinhu zvavanondimhan'arira ikozvino.
- 14 Asi ndinobvuma izvi kwamuri, kuti nenzira yavanoti kutsauka, saizvozvo ndinoshumira Mwari wemadzibaba, ndichitenda zvinhu zvese zvakanyorwa pamurairo wese nepavaporofita;
- 15 ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanomirirawo vamene, kuti kuchava nekumuka kwevakafa, kwevakarurama pamwe nevasakarurama.
- 16 Uye pachinhu ichi ini ndinoidza, kuti nguva dzese ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nekuvanhu.
- 17 Zvino shure kwemakore mazhinji ndakasvika kuzopa zvipo zvenyasha kurudzi rwangu nezvibairo;
- 18 ndiri pane izvozvi vamwe VaJudha vakabva Asia vakandiwana ndakanatswa mutembere, pasina chaunga, pasina bongozozo;
- 19 vanofanira kuva pano pamberi penyu vandipe mhosva kana vane chekupokana neni;
- 20 kana ivo pachavo ngavareve vamene, kuti vakawana chii chisakarurama mandiri, pandakamira pamberi pedare remakurukota,
- 21 kunze kweshoko iri rimwe, randakadanidzira ndimire pakati pavo rekuti: Maererano nekumuka kwevakafa ini ndinotongwa nemwi nhasi.
- 22 Asi Ferikisi wakati anzwa zvinhu izvi achiziva zvakanyanya zvenzira iyo akambovamisa, achiti: Kana Risiasi mutungamiri wechuru aburukira pano, ndichanyatsoongorora zviri maererano nemwi;
- 23 ndokuraira mukuru wezana kuti achengete Pauro, uye ave nerusununguko, uye kuti varege kudzivisa umwe wevekwake kushumira kana kumushanyira.
- 24 Zvino shure kwemamwe mazuva, Ferikisi wakasvika nemukadzi wake Drusira muJudhakadzi, akatuma kunodana Pauro, akamunzwa pamusoro perutendo kuna Kristu.
- 25 Zvino wakati achataura zvekururama nezvekuzvidzora uye zvekutonga kunouya, Ferikisi akatya akapindura akati: Enda zvaikozvino; kana ndikazova nenguva yakafanira, ndichakudana;
- 26 panguva iyoyo waitarisirawo kuti mari ichapiwa kwaari naPauro, kuti amusunungure; naizvozvo wakamudanawo kazhinji achitaura naye.
- 27 Asi makore maviri akati azadziswa, Ferikisi akagamuchira waimutevera Pokio Fesitasi; Ferikisi akada kufadza VaJudha akasiya Pauro akasungwa.