사도행전 27장 쇼나
- 1 Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende kuItaria nechikepe, vakakumikidza Pauro nevamwewo vasungwa kumukuru wezana wainzi Juriasi, wehondo yamambo mukuru.
- 2 Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiyamu, chaiva choda kuenda nemugungwa tichitevedza nzvimbo dzeAsia, tikatanga kufamba nechikepe, Arisitako muMakedhonia weTesaronika anesu.
- 3 Chifume tikasvika paSidhoni; Juriasi akabata Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari, kuti abatsirwe.
- 4 Takati tabva ipapo nechikepe tikapfuura takadzikatirwa neSaipuresi, nokuti mhepo yaitipikisa,
- 5 tikati tayambuka gungwa rakatevedza Kirikia nePamufiriya, takasvika paMaira yeRisia.
- 6 Ipapo mukuru wezana akawana chikepe cheAreksandiria chinoenda kuItaria, ndokutipinza machiri.
- 7 Zvino takati tananaira nechikepe mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido nemutsutsururu, mhepo isingatitenderi, tikaburuka takatevedza Kirete, kwakatarisana neSarimoni;
- 8 tikapapfuura nemutsutsururu tikasvika pane imwe nzvimbo panonzi Zororo Rakanaka; pedo naro paiva neguta Rasea.
- 9 Zvino nguva huru yakati yapfuura, nekufamba nechikepe ikozvino kwava nenjodzi, nokuti kutsanyawo kwakange kwatopfuura, Pauro akavayambira,
- 10 achiti kwavari: Varume, ndinoona kuti rwendo rwuchava nekukuvara nekurasikirwa kuzhinji, zvisati zviri zvemutoro nechikepe chete, asi nekweupenyu hwedu.
- 11 Asi mukuru wezana wakatenda mufambisi wechikepe nemwene wechikepe kupfuura zvinhu zvakarehwa naPauro.
- 12 Zvino sezvo zororo rakange risina kunaka kugarwa muchando, vazhinji vakayambira kuti pabviwe, zvimwe vangagona kusvika kuFenikisi vagareko muchando, ndiro zororo reKirete, rakange rakatarira kuchamhembe kwakadziva kumavirira nekumaodzanyemba akadziva kumavirira.
- 13 Zvino mhepo yechamhembe yakati ichifefetera, vakafunga kuti vawana vavariro yavo, vakabvisa zvipingo zvechikepe, vakatevedza pedo neKirete nechikepe.
- 14 Asi pasina kupfuura nguva huru mhepo ine simba yainzi Yurokiridhoni, yakachirova;
- 15 zvino chikepe chakati chabatwa, chisingagoni kumirisana nemhepo, tikarega tikakukurwa.
- 16 Zvino takatevedza zasi kwechimwe chiwi chidiki chinonzi Kraudha, tikakwanisa kubata chikepe nemutsutsururu;
- 17 chavakati vachisimudza, vakashandisa zvibatsiro, vachisunga chikepe nepasi; vachitya kuti vacharasikira paSetisi, vakaderedza seiri, ndokukukurwa saizvozvo.
- 18 Zvino tichatambudzwa kwazvo nedutu remhepo, chifume vakabudisa nhumbi kunze;
- 19 uye pazuva retatu, takarasa zvombo zvechikepe nemaoko edu pachedu.
- 20 Zvino kwakati kusina kuonekwa zuva kana nyeredzi kwemazuva mazhinji, nedutu risati riri diki remhepo richisimba, kubva ipapo tariro yese yekuti tichaponeswa ikatorwa.
- 21 Zvino yakati yava nguva refu vasingadyi, ipapo Pauro akamira pakati pavo, akati: Haiwa, varume, mungadai makanditeerera mukasabva paKirete, mukapukunyuka kukuvara uku nekurasikirwa.
- 22 Asi ikozvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge moyo; nokuti hakungavi nekurasikirwa neupenyu pakati penyu, asi kwechikepe.
- 23 Nokuti usiku huno kwakamira neni mutumwa waMwari, wandiri wake, newandinoshumira,
- 24 achiti: Usatya Pauro; unofanira kumira pamberi paKesari; zvino tarira, Mwari wakupa vese vanofamba newe muchikepe.
- 25 Naizvozvo varume tsungai moyo; nokuti ndinotenda kuna Mwari kuti zvichava saizvozvi senzira yandakaudzwa nayo.
- 26 Asi tinofanira kurasirwa pane chimwe chiwi.
- 27 Zvino usiku hwegumi neuna hwakati hwasvika, tichangomveeswa muAdhira, panenge pakati peusiku, vafambisi vechikepe vakafunga kuti imwe nyika yoswedera kwavari;
- 28 vakakanda gavi rekuyera kudzika vakawana mafadomi* makumi maviri; vakati vapfuura zvishoma, vakakandazve gavi rekuyera kudzika, vakawana mafadomi gumi nemashanu;
- 29 zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvipingo zvina neshure kwechikepe, vakashuva kuedza.
- 30 Zvino vafambisi vechikepe vakati vachitsvaka kutiza muchikepe, vaburusira igwa mugungwa, vachiita sevanenge vokanda zvipingo mberi kwechikepe,
- 31 Pauro akati kumukuru wezana nekumauto: Kana ava vakasagara muchikepe, imwi hamugoni kuponeswa.
- 32 Ipapo mauto akagura mabote egwa, ndokurirega rikawa.
- 33 Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbirisa vese kuti vadye, achiti: Nhasi izuva regumi nechina ramakagarira muchitsanya, musingadyi chinhu.
- 34 Saka ndinokukumbirisai kuti mudye; nokuti ndezveruponeso rwenyu; nokuti hakuna ruvhudzi rwuchawa pamusoro weumwe wenyu.
- 35 Wakati areva zvinhu izvi, atora chingwa, akavonga kuna Mwari pamberi pavo vese, akati achimedura akatanga kudya.
- 36 Zvino vakatsunga moyo vese, uye ivo vakadya.
- 37 Zvino isu, mweya yese yaiva muchikepe, taiva mazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu.
- 38 Zvino vakati vaguta kudya vakarerusa chikepe, vachikanda zviyo kunze mugungwa.
- 39 Kwakati kwaedza, vakasaziva nyika; asi vakaona rimwe mhenderekedzo rekuzorora raiva nemahombekombe ejecha, vakarangana kana vaigona, kuti vasundire chikepe pariri.
- 40 Zvino vakagura zvipingo, vakazvisiya mugungwa, nenguva iyoyo vakasunungura zvisungo, vakasimudzira seiri repamberi kumhepo, vakaruramira kumahombekombe.
- 41 Zvino vakati vachiwira panzvimbo pamasanganirano emakungwa, vakagumhirisa chikepe pasi; muromo ukabatira ndokurambira usingazununguki, asi rutivi rweshure rukavhunika nesimba remafungu.
- 42 Zvino zano remauto rekuti vauraye vasungwa, kuti zvimwe vamwe vangashambira vakatiza.
- 43 Asi mukuru wezana achida kuponesa Pauro, akavadzivisa pazvinangwa zvavo, akaraira kuti vanogona kushambira vatange kuzviwisira mugungwa, vaende kunyika;
- 44 uye vakasara, vamwe pamatanda, vamwe pane zvimwe zvipenga zvechikepe. Saizvozvowo zvakaitika kuti vese vakasvika kunyika vari vapenyu.