사도행전 8장 쇼나
- 1 Zvino Sauro wakange achitenderana nerufu rwake. Zvino pazuva iro kwamuka kushushwa kukuru kwakanangana nekereke yaiva paJerusarema; vese ndokuparadzirwa kunyika dzese dzeJudhiya neSamaria, kunze kwevaapositori.
- 2 Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefano, vakamuchema zvikuru.
- 3 Asi Sauro wakaparadza kereke, achipinda muimba imwe neimwe, achikakata varume nevakadzi nekukumikidza mutirongo.
- 4 Naizvozvo avo vakange vaparadzirwa vakagura vachiparidza shoko.
- 5 Firipi ndokuburukira kuguta reSamaria, akaparidza Kristu kwavari.
- 6 Zvaunga ndokuteerera nemoyo umwe kuzvinhu zvinotaurwa naFiripi, pavakanzwa nekuona zviratidzo zvaaiita.
- 7 Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva vakabatwa, ichidanidzira nenzwi guru; nevazhinji vakange vakafa mitezo nevaikamhina vakaporeswa.
- 8 Zvino kwakava nemufaro mukuru muguta iro.
- 9 Zvino umwe murume, wainzi Simoni, waimboita un'anga paguta, achishamisa rudzi rweSamaria, achizviti munhu mukuru;
- 10 wavaiteerera vese kubva kumudiki kusvika kumukuru, vachiti: Uyu isimba guru raMwari.
- 11 Zvino vaimuteerera, nokuti wakange avashamisa neun'anga nguva refu.
- 12 Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vese varume nevakadzi.
- 13 NaSimoniwo pachake wakatenda, zvino wakati abhabhatidzwa, wakagara naFiripi; akashamisika, achiona mabasa esimba nezviratidzo zvaiitwa.
- 14 Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani;
- 15 ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene;
- 16 nokuti wakange asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vakange vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete.
- 17 Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene.
- 18 Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akavavigira mari,
- 19 achiti: Ndipei neni simba iri, kuti pana ani nani wandinoisa maoko pamusoro, agamuchire Mweya Mutsvene.
- 20 Asi Petro wakati kwaari: Sirivheri yako pamwe newe ngazvive zvekuparadzwa, nokuti wafunga kuti chipo chaMwari chingawanikwa nemari.
- 21 Hauna mugove kana nhaka pashoko iri. Nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.
- 22 Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako uku, ukumbirise Mwari, kuti zvimwe murangariro wemoyo wako uukanganwirwe.
- 23 Nokuti ndinoona kuti uri munduru inovava, uye musungo weuipi.
- 24 Zvino Simoni akapindura akati: Ndikumbirirei imwi kuna Ishe, kuti pasava nechimwe chezvinhu zvamataura chingawira pamusoro pangu.
- 25 Naizvozvo vakati vapupura nekutaura shoko raIshe, vakadzokera kuJerusarema, uye vakaparidza evhangeri mumisha mizhinji yeVaSamaria.
- 26 Zvino mutumwa waIshe wakataura kuna Firipi, achiti: Simuka, upfuurire kuchamhembe kunzira inoburuka kubva kuJerusarema ichienda kuGaza; iyo irenje.
- 27 Zvino wakasimuka akaenda; zvino tarira murume weEtiopia, mutenwa, gurukota guru raKandase mambokadzi weVaEtiopia, waiona nezvefuma yake yese, uye wakange auya kuJerusarema kuzonamata,
- 28 wakange achidzokera uye agere mungoro yake, achiverenga muporofita Isaya.
- 29 Mweya ndokuti kuna Firipi: Swedera unamatire pangoro iyi.
- 30 Firipi ndokumhanyirako, akamunzwa achiverenga muporofita Isaya, ndokuti: Zvino unonzwisisa zvaunoverenga here?
- 31 Iye ndokuti: Zvino ndingagona sei, kunze kwekuti umwe munhu andirairira? Zvino akakumbira Firipi kuti akwire agare naye.
- 32 Zvino ndima yerugwaro yaaiverenga yaiva iyi: Wakatungamirirwa segwai rinoenda kunobaiwa; uye segwayana rinyerere pamberi pemuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.
- 33 Mukuninipiswa kwake mutongo wake wakabviswa, zvino ndiani acharondedzera zera rake? Nokuti upenyu hwake hunobviswa panyika.
- 34 Mutenwa ndokupindura Firipi akati: Ndinokukumbirisa, muporofita anoreva izvi maererano nani? Nezvake amene kana nezveumwewo?
- 35 Firipi ndokuzarura muromo wake; akatanga parugwaro irworwo, ndokumuparidzira Jesu.
- 36 Zvino pavaifamba munzira, vakasvika pane imwe mvura; mutenwa ndokuti: Heyi mvura; chii chinondidzivirira kubhabhatidzwa?
- 37 Firipi ndokuti: Kana uchitenda nemoyo wese, zvinotenderwa. Akapindura ndokuti: Ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari.
- 38 Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemutenwa; ndokumubhabhatidza.
- 39 Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; mutenwa ndokusazomuonazve; nokuti wakafamba nenzira yake achifara.
- 40 Asi Firipi wakawanikwa paAzota; uye achipfuura wakaparidza evhangeri kumaguta ese, kusvikira asvika paKesariya.