로마서 15장 쇼나
- 1 Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu.
- 2 Naizvozvo umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakumuvaka.
- 3 Nokuti naKristu haana kuzvifadza iye, asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu.
- 4 Nokuti zvese zvakagara zvanyorwa, zvakagara zvanyorerwa kudzidza kwedu, kuti nemoyo murefu uye nekunyaradza kwemagwaro tive netariro.
- 5 Asi dai Mwari wemoyo murefu newenyaradzo apa kwamuri kuva nemoyo umwe pakati penyu maererano naKristu Jesu;
- 6 kuti nemoyo umwe nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu.
- 7 Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, ruve rukudzo rwaMwari.
- 8 Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso zvemadzibaba;
- 9 uye vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo.
- 10 Uyezve anoti: Farai, vahedheni, pamwe nevanhu vake.
- 11 Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vese; mumukudzewo imwi vanhu vese.
- 12 Uyezve Isaya anoti: Uchavapo mudzi waJese, neachasimukira kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba kwaari.
- 13 Daiwo Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wese uye nerugare muchitenda, kuti muwedzere patariro, nesimba reMweya Mutsvene.
- 14 Zvino ini ndomene ndinozivisisa nezvenyu, hama dzangu, kuti nemwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwese, munogonawo kurairana.
- 15 Asi, hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru, neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeuchidzai, nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari,
- 16 kuti ndive mushumiri waJesu Kristu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti chibairo chevahedheni chigamuchirike, chichiitwa chitsvene neMweya Mutsvene.
- 17 Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari;
- 18 nokuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe, neshoko uye nebasa,
- 19 musimba rezviratidzo nezvishamiso, musimba reMweya waMwari; naizvozvo kubva paJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu;
- 20 nokudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, kwete pakambodanwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe;
- 21 asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa, vachanzwisisa.
- 22 Nekuda kweizvozviwo ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri;
- 23 asi ikozvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru kwemakore mazhinji chekuuya kwamuri;
- 24 saizvozvo kana ndichaenda kuSipania, ndichauya kwamuri; nokuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, nekuperekedzwa nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa muchikamu ndinemwi.
- 25 Asi ikozvinowo ndinoenda kuJerusarema, ndichishumira vatsvene.
- 26 Nokuti zvakavafadza Makedhonia neAkaya kupa chimwe chipo varombo vevatsvene vari paJerusarema.
- 27 Nokuti zvakavafadza, uye vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaisawo ruoko pazvinhu zvavo zvemweya, vane ngavawo rekuvashandira pazvinhu zvenyama.
- 28 Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndaisa mucherechedzo chibereko ichi kwavari, ndichabva ndiende kuSipania ndichipfuura nekwenyu.
- 29 Uye ndinoziva kuti kana ndichiuya kwamuri ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu.
- 30 Zvino ndinokukumbirisai, hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni paminyengetero kuna Mwari pamusoro pangu;
- 31 kuti ndisunungurwe kune vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu reJerusarema rigamuchirike kuvatsvene;
- 32 kuti ndiuye kwamuri nemufaro nechido chaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi.
- 33 Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mese. Ameni.