로마서 1장 쇼나
- 1 Pauro, muranda waJesu Kristu, wakadanwa kuva muapositori, atsaurirwa evhangeri yaMwari,
- 2 (yaakagara avimbisa nevaporofita vake mumagwaro matsvene),
- 3 maererano neMwanakomana wake, wakabva kumbeu yaDhavhidhi zvichienderana nenyama,
- 4 wakatemerwa kuva Mwanakomana waMwari nesimba, maererano neMweya weutsvene, nekumuka kwevakafa, ndiye Jesu Kristu Ishe wedu;
- 5 watakagamuchira naye nyasha nevuapositori kuti kuve kuteerera kwerutendo pakati pevahedheni vese, nekuda kwezita rake,
- 6 vamuri pakati pavo nemwi, vakadanwa vaJesu Kristu;
- 7 kune vese vari muRoma, vadikanwi vaMwari, vakadanwa kuva vatsvene: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
- 8 Kutangawo ndinovonga Mwari wangu nemuna Jesu Kristu pamusoro penyu mese, kuti rutendo rwenyu rwunoparidzirwa panyika yese.
- 9 Nokuti Mwari chapupu changu, wandinoshumira pamweya wangu muevhangeri yeMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,
- 10 panguva dzese muminyengetero yangu ndinokumbira, kuti kana zvichigoneka nechido chaMwari, ndibudirire kuuya kwamuri pakuguma.
- 11 Nokuti ndinoshuva kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chemweya, kuti musimbiswe,
- 12 ndiko kuti, ndinyaradzwe pamwe pakati penyu, nerutendo rweumwe neumwe, zvese rwenyu nerwangu.
- 13 Zvino handidi kuti musaziva, hama, kuti kazhinji ndaizvipira kuuya kwamuri (ndokudziviswa kusvikira ikozvino), kuti ndive nechimwe chibereko pakati penyuwo, sepakati pevamwe vahedheniwo.
- 14 Ndine ngava kuVaGiriki nekuvatorwawo, kuvakachenjera nekune vasina kuchenjerawo;
- 15 saizvozvo sezviri mandiri ndakagadzirira kuparidza evhangeri kwamuriwo imwi muri paRoma.
- 16 Nokuti handinyadzisvi neevhangeri yaKristu; nokuti isimba raMwari rinoendesa kuruponeso kune umwe neumwe anotenda, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo.
- 17 Nokuti kururama kwaMwari kunoratidzwa mairi kubva parutendo kusvika parutendo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Asi wakarurama achararama nerutendo.
- 18 Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kubva kudenga pamusoro pekusada Mwari kwese nekusarurama kwevanhu vanodzivisa chokwadi nekusarurama;
- 19 nokuti izvo zvinozikanwa pamusoro paMwari zviri pachena pakati pavo; nokuti Mwari wakazviratidza kwavari.
- 20 Nokuti zvisingaonekwi zvake, kubva pakusikwa kwenyika, zvinonzwisisika pazvinhu zvakaitwa, zvinooneswa pachena, simba rake rekusingaperi pamwe neuMwari hwake, kuti vasava nemanzvengero;
- 21 nokuti vakati vaziva Mwari, havana kumurumbidza saMwari kana kuvonga, asi vakava vasina maturo mumirangariro yavo, nemoyo wavo usinganzwisisi wakaitwa mutema.
- 22 Vachizvipupurira kuva vakachenjera vakava mapenzi,
- 23 uye vakashandurira kubwinya kwaMwari asingafi kumufananidzo wechifananidzo chemunhu anofa nekushiri nekuzvine makumbo mana nekuzvinokambaira.
- 24 Naizvozvowo Mwari wakavapa kutsvina kubudikidza nekuchiva kwemoyo yavo, kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo;
- 25 avo vakashandurira chokwadi chaMwari kunhema, uye vakanamata nekushumira chisikwa kupfuura Musiki, iye anorumbidzwa nekusingaperi. Ameni.
- 26 Nekuda kweizvozvo Mwari wakavapa kukuchiva kunonyadzisa; nokuti kunyange vanhukadzi vavo vakashandura basa rechisikirwo rive rinopesana nechisikirwo;
- 27 uye saizvozvowo vanhurume vakasiya basa rechisikirwo kumunhukadzi, vakapiswa nekuchivana kwavo, vanhurume nevanhurume vachiita zvinonyadzisa vachigamuchira mukati mavo muripo wakafanira kurasika kwavo.
- 28 Uye zvavakaona zvisina kufanira kugara naMwari muruzivo, Mwari wakavapa kumurangariro wakaraswa, kuti vaite zvinhu zvisakafanira;
- 29 vakazadzwa nekusarurama kwese, ufeve, kuipa, ruchiva, unhubu, kuzara negodo, umhondi, gakava, kunyengera, utsotsi, vanoita makuhwa,
- 30 vacheri, vavengi vaMwari, vazvidzi, vadadi, vanozvikudza, vavambi vezvakaipa, vasingateereri vabereki,
- 31 vasinganzwisisi, vaputsi vesungano, vane utsinye, vasingaregereri, vasina tsitsi,
- 32 avo vanoti vachiziva murairo wekururama kwaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa nerufu, havaiti izvo chete, asiwo vanotenderana nevanozviita.