로마서 8장 쇼나
- 1 Naizvozvo ikozvino hakuna kupiwa mhosva kune vari muna Kristu Jesu vasingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.
- 2 Nokuti murairo weMweya weupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura kubva pamurairo wechivi newerufu.
- 3 Nokuti zvakange zvisingagoneki nemurairo, pakuti wakange une utera nekuda kwenyama, Mwari achituma Mwanakomana wake mumufananidzo wenyama yezvivi, uye nekuda kwechivi, wakapa mhosva chivi munyama;
- 4 kuti kururama kwemurairo kuzadziswe matiri, tisingafambi maererano nenyama, asi maererano neMweya.
- 5 Nokuti avo vepanyama vanofunganya zvinhu zvenyama; asi vari paMweya zvinhu zveMweya.
- 6 Nokuti kufunganya kwenyama rufu; asi kufunganya kweMweya upenyu nerugare;
- 7 nokuti kufunganya kwenyama ruvengo kuna Mwari; nokuti hakuzviisi pasi pemurairo waMwari; nokuti hakugoniwo;
- 8 neavo vari munyama havagoni kufadza Mwari.
- 9 Asi imwi hamusi munyama, asi muMweya, kana zvirokwazvo Mweya waMwari achingogara mamuri. Asi kana umwe asina Mweya waKristu, uyu haasi wake.
- 10 Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama.
- 11 Zvino kana Mweya waiye wakamutsa Jesu kubva kuvakafa achigara mamuri, iye wakamutsa Kristu kubva kuvakafa achararamisawo miviri yenyu inofa neMweya wake anogara mamuri.
- 12 Naizvozvo zvino, hama, tine ngava, kwete kunyama, kuti tirarame maererano nenyama;
- 13 nokuti kana muchirarama maererano nenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa emuviri neMweya, muchararama.
- 14 Nokuti vese vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari.
- 15 Nokuti hamuna kugamuchira mweya weuranda kuti mutyezve, asi makagamuchira mweya wekuitwa vana, watinodana nawo tichiti: Abha*, Baba.
- 16 Mweya amene unopupurirana nemweya wedu, kuti tiri vana vaMwari;
- 17 zvino kana tiri vana, tiri vadyi venhakawo; vadyi venhaka vaMwari, nevadyi venhaka pamwe naKristu; kana zvirokwazvo tichitambudzika naye, kuti tikudzwewo pamwe naye.
- 18 Nokuti ndinoona kuti matambudziko enguva yaikozvino haana kufanira kuenzaniswa nekubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
- 19 Nokuti tarisiro huru yechisikwa inomirira kubudiswa pachena kwevana vaMwari.
- 20 Nokuti chisikwa chakaiswa pasi pekushaiwa maturo, kwete nekuda, asi nekuda kwaiye wakachiisa pasi; mutariro
- 21 kuti chisikwa pachachowo chichasunungurwa kubva pauranda hwekuora, chiiswe parusununguko rwekubwinya kwevana vaMwari.
- 22 Nokuti tinoziva kuti chisikwa chese chinogomera pamwe nekurwadziwa pamwe chete kusvikira ikozvino.
- 23 Zvisati zviri izvo chete, asi nesu tomene, tine chibereko chekutanga cheMweya, nesu tomene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa vana, rudzikunuro rwemuviri wedu.
- 24 Nokuti tinoponeswa netariro; asi tariro inoonekwa haisi tariro; nokuti izvo munhu zvaanoona, achazvitaririreizve?
- 25 Asi kana tichitarisira chatisingaoni, tinochimirira nemoyo murefu.
- 26 Saizvozvo neMweyawo unobatsira utera hwedu; nokuti hatizivi chatinofanira kunyengeterera sezvinofanira, asi Mweya amene anotireverera nekugomera kusingatauriki;
- 27 zvino iye anonzvera moyo anoziva fungwa yeMweya kuti chii, nokuti anoreverera vatsvene maererano naMwari.
- 28 Uye tinoziva kuti zvinhu zvese zvinobata pamwe kuti zvinakire avo vanoda Mwari, avo vakadanwa maererano nezano rake.
- 29 Nokuti vaakagara aziva, wakagarawo avatemera kuti vafanane nechimiro cheMwanakomana wake, kuti iye ave dangwe pakati pehama zhinji;
- 30 neavo vaakagara atemera, ndivo vaakadanawo; nevaakadana, ndivo vaakaruramisawo; nevaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
- 31 Ko zvino tichatii kuzvinhu izvi? Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?
- 32 Iye asina kutongoramba neMwanakomana wake pachake, asi wakamukumikidza nekuda kwedu tese, angarega sei kutipa zvese pachena pamwe nayewo?
- 33 Ndiani achapa mhosva pavasanangurwa vaMwari? NdiMwari anoti vakarurama;
- 34 ndiani anopa mhosva? NdiKristu wakafa, uye zvikuru wakamutswawo, uye ari kuruoko rwerudyi rwaMwari, uye anotireverera.
- 35 Ndiani achatiparadzanisa nerudo rwaKristu? Kutambudzika, kana kumanikidzika, kana kushushwa, kana nzara, kana kushama, kana njodzi, kana munondo here?
- 36 Sezvazvakanyorwa kuti: Nekuda kwenyu tinourawa zuva rese; tinoverengwa semakwai ekubaiwa.
- 37 Asi pazvinhu izvi zvese tiri vakundi nekupfuurisa naiye wakatida.
- 38 Nokuti ndine chokwadi kuti harwusi rufu kana upenyu kana vatumwa kana utungamiriri kana masimba kana zvinhu zviripo kana zvinhu zvinouya
- 39 kana urefu kana udzamu kana chimwe chisikwa chipi zvacho chingagona kutiparadzanisa nerudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.