고린도전서 10장 쇼나
- 1 Uye handidi kuti murege kuziva, hama, kuti madzibaba edu ese akange ari pasi pegore, uye ese akagura nemugungwa,
- 2 uye ese akabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa,
- 3 uye ese akadya kudya kumwe kwemweya,
- 4 uye ese akanwa zvinwiwa zvimwe zvemweya; nokuti akanwa kubva padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro rakange riri Kristu.
- 5 Asi muruzhinji rwawo Mwari haana kufadzwa; nokuti akaparadzwa murenje.
- 6 Zvino zvinhu izvi zvakava mifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvakaipa, sezvavakashuvawo.
- 7 Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvakwakanyorwa, kuchinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba.
- 8 Uye ngatirege kupomba, sevamwe vavo vakaita upombwe, ndokuwa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu.
- 9 Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.
- 10 Muregewo kun'un'una, sevamwe vavowo vakan'un'una, vakaparadzwa nemuparadzi.
- 11 Zvinhu izvi zvese zvakavawirawo kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nemagumo enyika.
- 12 Naizvozvo anofunga kuti amire, ngaaone kuti haawi.
- 13 Hakuna muedzo wakakubatai kunze kweuri muvanhu; asi Mwari wakatendeka, asingazotenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo, asi pamwe nemuedzo achaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura.
- 14 Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo.
- 15 Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi tongai zvandinotaura.
- 16 Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here?
- 17 Nokuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nokuti isu tese tinogovana pachingwa chimwe.
- 18 Tarirai Israeri zvepanyama; vanodya zvibairo havasi ivo vanogoverana nearitari here?
- 19 Ko ndoti kudii? Kuti chifananidzo chinhu here? Kana kuti chakabairwa chifananidzo chinhu here?
- 20 Asi kuti vahedheni zvavanobaya, vanozvibaira madhimoni, uye kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni.
- 21 Hamugoni kunwa mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamugoni kugovana tafura yaIshe netafura yemadhimoni.
- 22 Kana tinozvimutsira godo Ishe here? Ko takasimba kumupfuura here?
- 23 Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinobatsira. Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinovaka.
- 24 Kusava neanozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe.
- 25 Zvese zvinotengeswa pamisika yenyama idyai, musingabvunzi chinhu nekuda kwehana;
- 26 nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.
- 27 Uye kana umwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, chese chinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana.
- 28 Asi kana umwe akati kwamuri: Ichi chakabairwa chifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye kwehana; nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.
- 29 Asi hana ndinoti, isati iri yako, asi yeumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerwei nehana yeumwe?
- 30 Uye kana ini nenyasha ndichiwana mugove, ndingagotukirwei nekuda kwechinhu chandinovonga ini?
- 31 Naizvozvo kana muchidya, kana kunwa, kana chipi nechipi chamunoita, zviitirei rukudzo rwaMwari.
- 32 Regai kugumbusa zvese kuVaJudha nekuVaGiriki nekukereke yaMwari;
- 33 seniwo ndinofadza vese pazvese, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwevazhinji, kuti vaponeswe.