고린도전서 11장 쇼나
- 1 Ivai vatevedzeri vangu, seniwo ndiri waKristu.
- 2 Zvino ndinokurumbidzai, hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvese, muchibatirira patsika sezvandakakumikidza kwamuri.
- 3 Asi ndinoda kuti muzive, kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.
- 4 Murume umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita, musoro wakafukidzwa, unozvidza musoro wake.
- 5 Asi mukadzi umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita nemusoro usina kufukidzwa, anozvidza musoro wake; nokuti ndizvo zvimwezvo nekuveurwa.
- 6 Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kumukadzi kugerwa kana kuveurwa, ngaazvifukidze.
- 7 Nokuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.
- 8 Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume;
- 9 nokuti nemurume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume;
- 10 nekuda kweizvozvi mukadzi anofanira kuva nesimba pamusoro wake nekuda kwevatumwa.
- 11 Asi murume haasi kunze kwemukadzi, kana mukadzi kunze kwemurume, muna Ishe.
- 12 Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo uripo nemukadzi, asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari.
- 13 Zvionerei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?
- 14 Kana kunyange chisikirwo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?
- 15 Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari. Nokuti vhudzi refu rakapiwa kwaari chive chifukidzo.
- 16 Asi kana umwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange makereke aMwari.
- 17 Zvino mukuraira uku handikurumbidzii, nokuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi muzvakapfuura kuipa.
- 18 Nokuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; muchidimbu ndinozvitenda.
- 19 Nokuti kutsauka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.
- 20 Naizvozvo kana muchiungana pamwe, uku hakusi kudya chirairo chaIshe;
- 21 nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza.
- 22 Ko hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidzii.
- 23 Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe, icho chandakagamuchidzawo kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,
- 24 zvino wakati avonga akamedura, ndokuti: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai kundirangarira.
- 25 Saizvozvo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzese kana muchinwa, mukundirangarira.
- 26 Nokuti nguva dzese kana muchidya chingwa ichi, nekunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika.
- 27 Naizvozvo ani nani anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe zvisakafanira, achava nemhosva yemuviri neropa raIshe.
- 28 Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvowo ngaadye zvechingwa nekunwa zvemukombe.
- 29 Nokuti anodya nekunwa zvisakafanira, anozvidyira nekunwira kutongwa, zvaasingatsauri muviri waIshe.
- 30 Nemhaka iyi vazhinji kwamuri indonda nevarwere, nevazhinji varere.
- 31 Nokuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa;
- 32 asi kana tichitongwa, tinodzorwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.
- 33 Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.
- 34 Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Asi zvasara, ndichazvironga kana ndichisvika.