고린도전서 14장 쇼나
- 1 Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite.
- 2 Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika.
- 3 Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.
- 4 Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke.
- 5 Ndinodawo kuti imwi mese mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa.
- 6 Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso?
- 7 Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa rudimbwa?
- 8 Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo?
- 9 Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo.
- 10 Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu.
- 11 Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri.
- 12 Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke.
- 13 Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire.
- 14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu hadzina chibereko.
- 15 Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo.
- 16 Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?
- 17 Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi.
- 18 Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mese;
- 19 asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.
- 20 Hama, musava vana pafungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.
- 21 Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe.
- 22 Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda.
- 23 Naizvozvo kana kereke yese yaungana panzvimbo imwe, vese ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here?
- 24 Asi kana vese vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevese, aongororwe nevese;
- 25 uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.
- 26 Zvino chii, hama? Pega-pega pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvese ngazviitirwe kuvaka.
- 27 Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.
- 28 Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaataure kwaari nekuna Mwari.
- 29 Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge.
- 30 Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare.
- 31 Nokuti mese mungaporofita umwe-umwe, kuti vese vadzidze, uye vese vakurudzirwe;
- 32 nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.
- 33 Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ese evatsvene.
- 34 Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.
- 35 Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke.
- 36 Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri mega here?
- 37 Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe.
- 38 Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi.
- 39 Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi.
- 40 Zvinhu zvese ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana.