고린도전서 16장 쇼나
- 1 Zvino maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira makereke eGaratia, imwiwo itai saizvozvo.
- 2 Nemusi wekutanga wega-wega wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti zvino kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.
- 3 Uye pandinosvikira, chero vamunotenda, netsamba, ivo ndichavatuma, vagondoisa zvipo zvenyu kuJerusarema.
- 4 Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.
- 5 Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia;
- 6 uye zvimwe ndichagara nemwi, kanawo kupedza chando, kuti imwi mugondiperekedza pese pandinoenda.
- 7 Nokuti handishuvi kukuonai ikozvino ndichipfuura; asi ndinovimba kugara imwe nguva nemwi, kana Ishe achitendera.
- 8 Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita*.
- 9 Nokuti ndazarurirwa mukova mukuru uye unesimba; nevanopikisa vazhinji varipo.
- 10 Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti anemwi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe seniwo.
- 11 Naizvozvo ngakurege kuva neanomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarisira pamwe nehama.
- 12 Zvino maererano naAporo hama, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi zvirokwazvo chishuwo chake chakange chisiri chekuuya ikozvino, asi achauya kana awana nguva yakafanira.
- 13 Rindai, mumire makasimba murutendo, itai sevarume, musimbe.
- 14 Zvinhu zvenyu zvese ngazviitwe nerudo.
- 15 Ndinokukumbirisai hama, munoziva imba yaStefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;
- 16 kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vese vanobata pamwe nesu, uye vachishingaira.
- 17 Ndinofarawo nekuuya kwaStefana naForichunato naAkaiako, nokuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.
- 18 Nokuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo rangarirai vakadaro.
- 19 Makereke epaAsia anokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.
- 20 Hama dzese dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.
- 21 Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro.
- 22 Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave chakatukwa. Uyai Ishe!
- 23 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nemwi.
- 24 Rudo rwangu ngaruve nemwi mese muna Kristu Jesu. Ameni.