고린도전서 3장 쇼나
- 1 Zvino ini, hama, ndakange ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu.
- 2 Ndakakunwisai mukaka, uye kwete kudya kukukutu; nokuti makange musati mogona kudya, asi naikozvino hamusati mogona;
- 3 nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba zvinoenderana nemunhu here?
- 4 Nokuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamusi venyama here?
- 5 Ko Pauro chii, naAporo chii, asi vabati vamakatenda kubudikidza navo, Ishe sezvaanopawo umwe neumwe?
- 6 Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakurisa.
- 7 Naizvozvo anodzvara haasi chinhu, kana anodiridza, asi Mwari anokudza.
- 8 Zvino anodzvara neanodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe achagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake.
- 9 Nokuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, chivakwa chaMwari.
- 10 Zvichienderana nenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera ndakaronga nheyo, uye umwe anovaka pamusoro payo. Asi umwe neumwe ngaachenjerere kuti anovaka sei pamusoro payo.
- 11 Nokuti hakuna umwe anogona kuisa imwe nheyo kunze kweiyo yakaiswa, inova Jesu Kristu.
- 12 Zvino kana umwe achivaka pamusoro penheyo iyi, goridhe, sirivheri, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga,
- 13 basa reumwe neumwe richaratidzwa; nokuti zuva richazvibudisa pachena, nokuti richazarurwa mumoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini.
- 14 Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, achagamuchira mubairo.
- 15 Kana basa raani nani richizopiswa, acharasikirwa; asi iye amene achaponeswa, asi saizvozvo sewakabuda nemumoto.
- 16 Hamuzivi here kuti muri tembere yaMwari, uye Mweya waMwari unogara mamuri?
- 17 Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari achamuparadza iye; nokuti tembere yaMwari itsvene, yamuri imwi.
- 18 Ngakurege kuva neanozvinyengera; kana umwe pakati penyu achifunga kuti wakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.
- 19 Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Anobata vakachenjera paumhare hwavo;
- 20 uyezve: Ishe anoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo.
- 21 Naizvozvo ngakurege kuva neanozvikudza nevanhu; nokuti zvinhu zvese ndezvenyu,
- 22 kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvese ndezvenyu,
- 23 uye imwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari.