고린도후서 4장 쇼나
- 1 Naizvozvo zvatine shumiro iyi, sezvatakagamuchira tsitsi, hatineti;
- 2 asi takarasa zvinhu zvakavanzika zvechinyadzo, tisingafambi neunyengeri, kana kuminamisa shoko raMwari; asi nekuratidza chokwadi, tichizvipupurira kuhana yese yevanhu pamberi paMwari.
- 3 Zvinowo kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kune avo vanoparara;
- 4 kwavari mwari wenyika ino wakapofumadza fungwa dzevasingatendi, kuti chiedza cheevhangeri yekubwinya yaKristu ari mufananidzo waMwari chisavhenekera kwavari.
- 5 Nokuti hatizviparidzi, asi Kristu Jesu Ishe; uye isu tiri varanda venyu nekuda kwaJesu.
- 6 Nokuti Mwari wakati chiedza chivhenekere kubva parima ndiye wakavhenekera mumoyo yedu, kuti atipe chiedza cheruzivo rwekubwinya kwaMwari pachiso chaJesu Kristu.
- 7 Asi tine fuma iyi mumidziyo yevhu, kuti ukuru-ukuru hwesimba huve hwaMwari, uye husabva kwatiri;
- 8 tinodzvanyidzirwa pamativi ese, asi hatimanikidzwi; tinovhiringidzika, asi hatipererwi;
- 9 tinoshushwa, asi kwete kusiiwa; tinowisirwa pasi, asi kwete kuparadzwa;
- 10 tichipota takatakura nguva dzese kufa kwaIshe Jesu mumuviri, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu.
- 11 Nokuti isu tinorarama tinogara tichipiwa kurufu nekuda kwaJesu, kuti upenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa.
- 12 Saizvozvo rufu rwunobata matiri, asi upenyu mamuri.
- 13 Zvino tine mweya iwoyu werutendo, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakatenda, naizvozvo ndakataura; isuwo tinotenda, naizvozvowo tinotaura;
- 14 tichiziva kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu naJesu, agotikumikidza pamwe nemwi.
- 15 Nokuti zvinhu zvese zvinoitwa nekuda kwenyu, kuti nyasha dzakapamhidzirwa nekuda kwekuvonga kwevazhinji, dziwedzerwe dzive rukudzo rwaMwari.
- 16 Naizvozvo hatineti, asi kana munhu wedu wekunze achiparadzwa, zvakadaro wemukati anovandudzwa zuva nezuva.
- 17 Nokuti dambudziko redu rakareruka riripo kwechinguva chidiki, rinotiitira uremu hwekubwinya kukurusa kusingaperi;
- 18 tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa ndezvenguva, asi zvisingaonekwi ndezvekusingaperi.