고린도후서 6장 쇼나
- 1 Zvino tinobata pamwe naye, nesu tinokumbira zvikuru kuti musagamuchira nyasha dzaMwari pasina;
- 2 nokuti anoti: Nenguva yakafanira ndakakunzwa, uye nepazuva reruponeso ndakakubatsira; tarira, ikozvino inguva yakafanira; tarira, ikozvino izuva reruponeso.
- 3 Hatigumbusi kunyange pachinhu, kuti shumiro irege kumhurwa;
- 4 asi pazvese tinozviratidza sevashumiri vaMwari, pakutsungirira kuzhinji, pamatambudziko, pakuomerwa, pakudzvinyirirwa,
- 5 pakurohwa, pakusungwa, pamabongozozo, pamabasa anorema, pakusarara, pakutsanya,
- 6 pakuchena, paruzivo, pamoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyepedzeri,
- 7 pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, pazvombo zvekururama kurudyi nekuruboshwe,
- 8 nekukudzwa uye kuzvidzwa, nekureverwa zvakaipa uye kureverwa zvakanaka; sevanyepedzeri, tiri vechokwadiwo;
- 9 sevasingazikanwi, tichizikanwawo zvikuru; sevanofa, tarirawo, tinorarama; sevanorohwa, tisingaurawiwo;
- 10 sevakasuruvadzwa, asi tichifara nguva dzese; sevarombo, asi tichifumisa vazhinji; sevasina chinhu, asi tine zvese.
- 11 VeKorinde, muromo wedu wakashamira imwi, moyo wedu wakuriswa.
- 12 Hamudzvinyidzirwi matiri, asi munodzvinyidzirwa muvura hwenyu.
- 13 Zvino pakutsiva kwakadaro (ndinotaura sekune vana vangu), imwiwo kuriswai.
- 14 Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe nevasingatendi; nokuti kururama kungava nekudyidzana kwei nekusarurama? Chiedza chingadyidzana sei nerima?
- 15 Uye Kristu ane kunzwana kwei naBeriari? Kana anotenda angava nemugove wei neasingatendi?
- 16 Netembere yaMwari ine kutenderana kupi nezvifananidzo? Nokuti imwi muri tembere yaMwari mupenyu, Mwari sezvaakareva kuti: Ndichagara mavari, uye ndichafamba pakati pavo; ndichavawo Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
- 17 Naizvozvo budai pakati pavo mutsaurwe, anoreva Ishe, uye musabata chakasviba; iniwo ndichakugamuchirai.
- 18 Uye ndichava Baba kwamuri, nemwi muchava vanakomana nevanasikana kwandiri, anoreva Ishe Wemasimbaose.