고린도후서 9장 쇼나
- 1 Nokuti maererano nerubatsiro rwevatsvene, hazvina kufanira kwandiri kuti ndikunyorerei;
- 2 nokuti ndinoziva kushingaira kwenyu, kwandinozvirumbidza nako pamusoro penyu kune veMakedhonia, kuti Akaya yakange yazvigadzirira kubvira gore rakapera; nekushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji.
- 3 Asi ndakatuma hama, kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu kusava pasina pachinhu ichi; kuti, sezvandakareva, muve makagadzirira;
- 4 zvimwe pamwe, kana veMakedhonia vachiuya neni vakuwanei musina kuzvigadzirira, isu tinyadziswe (kuti tisati, imwi) pakuvimba uku kwekuzvikudza.
- 5 Naizvozvo ndakaona zvakafanira kukurudzira hama, kuti vatange kuuya kwamuri, uye vatange kugadzira chipo chenyu chepachena chakataurwa nezvacho kare, kuti ichi chive chakagadzirirwa, saizvozvo sechipo chepachena asi kwete sekukara.
- 6 Asi izvi kuti: Anodzvara zvishoma, anokohwawo zvishoma; neanodzvara zvizhinji, achakohwawo zvizhinji.
- 7 Umwe neumwe sezvinoda moyo; kwete nekurwadziwa, kana nekurovererwa; nokuti Mwari anoda anopa nemufaro.
- 8 Uye Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzese, kuti nguva dzese muve nekuringana kwese pazvese, muwanze pabasa rese rakanaka;
- 9 sezvazvakanyorwa zvichinzi: Wakaparadzira, wakapa varombo; kururama kwake kunogara nekusingaperi.
- 10 Zvino iye anopa mbeu kumudzvari, nekupa chingwa chekudya, ngaawanze mbeu dzenyu dzakadzvarwa, nekuwedzera zvibereko zvekururama kwenyu;
- 11 muchifumiswa pazvinhu zvese zvichibva pakupana kwese, zvinokonzera kubudikidza nesu kuvonga kuna Mwari.
- 12 Nokuti basa rekushumira uku harizadzisi kushaiwa kwevatsvene chete, asi kunowanzisawo nekuvongwa kuzhinji kuna Mwari;
- 13 nekuda kweuchapupu hweshumiro iyi vanorumbidza Mwari pamusoro pekuteerera kwekupupura kwenyu evhangeri yaKristu, nekukura kwekupa kwenyu kwavari nekune vese.
- 14 Uye nemunyengetero wavo pamusoro penyu, vachikushuvai nekuda kwenyasha hurusa dzaMwari pamusoro penyu.
- 15 Zvino Mwari ngaavongwe nekuda kwechipo chake chisingarondedzereki.