에베소서 5장 쇼나
- 1 Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, sevana vanodikanwa;
- 2 uye fambai murudo, Kristu sezvaakatidawo, akazvipa nekuda kwedu, ave chipo nechibairo kuna Mwari zvive hwema hunonhuhwira.
- 3 Asi upombwe netsvina yese kana kuchiva ngazvirege kutongorehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
- 4 neunzenza, nekutaura kweupenzi, kana kunemera, zvinhu zvisina kufanira; asi zviri nani kuvonga.
- 5 Nokuti munozviziva izvi, kuti mhombwe yega-yega, kana munhu asina kuchena, kana munhu anochiva, anova munamati wezvifananidzo, haana nhaka muushe hwaKristu nehwaMwari.
- 6 Ngakurege kuva nemunhu unokunyengerai nemashoko asina maturo; nokuti nekuda kwezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro pevana vekusateerera.
- 7 Naizvozvo regai kuva vagovani navo.
- 8 Nokuti maimbova rima, asi ikozvino mava chiedza muna Ishe; fambai sevana vechiedza.
- 9 Nokuti chibereko cheMweya chiri mukunaka kwese nekururama nechokwadi,
- 10 muchiongorora zvinofadza kuna Ishe;
- 11 uye musadyidzana nemabasa erima asina zvibereko, asi zviri nani mutsiurewo;
- 12 nokuti zvinhu zvinoitwa navo pakavanda zvinonyadzisa kunyange kutaura.
- 13 Asi zvinhu zvese zvinotsiurwa zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvese zvinoratidzwa chiedza.
- 14 Naizvozvo anoti: Simuka iwe urere, uye muka kubva kuvakafa, zvino Kristu achakuvhenekera.
- 15 Naizvozvo chenjerai kuti munofamba sei nekuchenjerera, kwete semapenzi asi sevakachenjera;
- 16 muchidzikunura nguva, nokuti mazuva akaipa.
- 17 Naizvozvo musava matununu, asi vanonzwisisa zviri kuda kwaIshe.
- 18 Uye regai kuraradza newaini, makuri mune bongozozo guru, asi zadzwai neMweya,
- 19 muchitaurirana nemapisarema nenziyo, nenziyo dzeMweya, muchiimba nekuita mutinhimira mumoyo yenyu kuna Ishe,
- 20 muchipa kuvonga nguva dzese pamusoro pezvinhu zvese kuna Mwari naBaba, muzita raIshe wedu Jesu Kristu,
- 21 muchizviisa pasi umwe kune umwe mukutya Mwari.
- 22 Vakadzi, zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sekuna Ishe,
- 23 nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri.
- 24 Asi kerekewo sezvairi pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi kuvarume vavo pachavo pachinhu chese.
- 25 Varume, idai vakadzi venyu pachenyu, Kristu sezvaakadawo kereke, akazvipa nekuda kwayo;
- 26 kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko,
- 27 kuti aikumikidze kwaari, kereke inobwinya isina gwapa kana kuwonyana, kana chimwe chezvakadai, asi kuti ive tsvene isina chaingapomerwa.
- 28 Saizvozvo varume vanofanira kuda vakadzi vavo pachavo semiviri yavo pachavo. Anoda mukadzi wake pachake, anozvida iye.
- 29 Nokuti hakuna wakatongovenga nyama yake pachake, asi anoifunda nekuchengetedza, sezvinoita Ishewo kukereke;
- 30 nokuti isu tiri mitezo yemuviri wake, yenyama yake neyemafupa ake.
- 31 Nekuda kweizvozvi munhu achasiya baba namai vake, ndokubatanidzwa kumukadzi wake; uye ava vaviri vachava nyama imwe.
- 32 Chakavanzika ichi chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.
- 33 Asi imwiwo umwe neumwe pachake ngaade mukadzi wake pachake sezvaanozvida iye; nemukadzi aone kuti atye murume.