빌립보서 3장 쇼나
- 1 Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Kukunyorerai zvinhu zvimwechetezvo, kwandiri zvirokwazvo hazvinetesi, asi kwamuri zvinokusimbisai.
- 2 Chenjererai imbwa, chenjererai vabati vakaipa, chenjererai vekucheka;
- 3 nokuti isu tiri kudzingiswa, vanonamata Mwari muMweya, tichizvirumbidza muna Kristu Jesu, uye tisingavimbi nenyama;
- 4 kunyange ini ndingavawo nechivimbo munyama; kana umwewo achifunga kuvimba nenyama, zvikuru ini;
- 5 ndakadzingiswa nezuva rerusere, ndiri werudzi rwaIsraeri, wedzinza raBhenjamini, muHebheru weVaHebheru; zviri zvemurairo ndiri muFarisi;
- 6 maererano nekushingaira ndichishusha kereke; maererano nekururama kuri mumurairo ndisina chandingapomerwa.
- 7 Asi zvinhu zvaiva mubairo kwandiri, ndizvo zvandakaverenga kuva kurasikirwa nekuda kwaKristu.
- 8 Hongu zvirokwazvo, uye ndinoverenga zvinhu zvese kuva kurasikirwa nekuda kwekunakisisa kweruzivo rwaKristu Jesu Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvese nekuda kwake, ndikazviidza kuva marara, kuti ndiwane Kristu;
- 9 uye ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva kumurairo, asi kunobudikidzwa nerutendo rwaKristu, kururama kunobva kuna Mwari nerutendo;
- 10 kuti ndimuzive iye, nesimba rekumuka kwake, nekudyidzana kwematambudziko ake, nditodze kufa kwake,
- 11 kana zvingagoneka ndisvike pakumuka kwevakafa.
- 12 Handirevi kuti ndakatochiwana, kana ndakatokwaniswa, asi ndinoteverera, kuti ndichibatewo, chandakabatirwawo naKristu Jesu.
- 13 Hama, ini handizviverengi kuti ndachibata, asi ndinoita chinhu chimwe, ndichikanganwa zvinhu zviri shure, ndichinanavira zvinhu zviri mberi,
- 14 ndinoteverera kuchinangwa, kumubairo wekudana kwekumusoro kwaMwari muna Kristu Jesu.
- 15 Naizvozvo isu tese takakwana, ngative nemufungo uyu; uye kana zvimwe mune umwe mufungo, Mwari achakuratidzai kunyange izvi.
- 16 Asi pane patasvika, ngatifambe nemurairo iwoyu tifunge chinhu ichochi.
- 17 Hama, ivai vatevedzeri vangu pamwe, natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvamakava nesu semuenzaniso.
- 18 Nokuti vazhinji vanofamba, vandakakuudzai nezvavo kazhinji, nazvino ndinokuudzai kunyange nekuchema, vavengi vemuchinjikwa waKristu;
- 19 kuguma kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, uye kurumbidzwa kuri mukunyadzwa kwavo, vanofunga zvenyika.
- 20 Nokuti ubwo hwedu huri kumatenga, uko kwatakataririrawo kuti Muponesi achabva, Ishe Jesu Kristu;
- 21 uyo achavandudza muviri wekuninipiswa kwedu, kuti ufananidzwe nemuviri wekubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuisa zvinhu zvese pasi pake.