골로새서 3장 쇼나
- 1 Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari.
- 2 Rangarirai zviri kumusoro, kwete zviri panyika.
- 3 Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari.
- 4 Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya.
- 5 Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo.
- 6 Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari dzinouya pavana vekusateerera;
- 7 imwiwo maimbofamba mazviri, pamairarama mazviri.
- 8 Asi ikozvino imwiwo bvisai zvese izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu;
- 9 regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake,
- 10 mukapfeka mutsva, anovandudzwa paruzivo semufananidzo wewakamusika;
- 11 apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvese, uye ari mune zvese.
- 12 Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, nemoyo murefu;
- 13 muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi;
- 14 zvino pamusoro pezvinhu zvese izvi pfekai rudo, ndicho chisungo chekupedzeredza.
- 15 Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga.
- 16 Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwese; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu;
- 17 uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.
- 18 Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sezvo zvakafanira muna Ishe.
- 19 Varume, idai vakadzi venyu, uye regai kuvavavira.
- 20 Vana, teererai vabereki pazvinhu zvese, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
- 21 Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo.
- 22 Varanda, teererai pazvinhu zvese vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari;
- 23 uye zvese kunyange chipi chamunoita, itai nemoyo, sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu;
- 24 muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu.
- 25 Asi anoita zvisakarurama achagamuchira zvisakarurama zvaakaita; uye hakuna kusarurwa kwavanhu.