데살로니가전서 4장 쇼나
- 1 Zvino zvimwe, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, sezvamakagamuchira kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, kuti muwanze nekuwanzisisa pazviri.
- 2 Nokuti munoziva mirairo yakadini yatakakupai kubudikidza naIshe Jesu.
- 3 Nokuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti murege upombwe;
- 4 kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nemurukudzo,
- 5 kwete pakuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari;
- 6 kusava neanopfuurikidza akanyengera hama yake pachiitiko; nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvese izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekupupura.
- 7 Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene.
- 8 Naizvozvo anozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari wakatipawo Mweya wake Mutsvene.
- 9 Zvino maererano nerudo rweukama hamutsvaki kuti ndikunyorerei, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane;
- 10 nokuti nemwi munozviita kuhama dzese dziri paMakedhonia yese; asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanzise zvikuru,
- 11 uye mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, nekushanda nemaoko enyu pachenyu, sezvatakakurairai;
- 12 kuti mufambe zvinoremekedzwa kune vari kunze, uye musashaya chinhu.
- 13 Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwewo vasina tariro.
- 14 Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa uye wakamuka, saizvozvowo vakarara kubudikidza naJesu, Mwari achavauisa pamwe naye.
- 15 Nokuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosiiwa kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara.
- 16 Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
- 17 kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi.
- 18 Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa.