디모데전서 1장 쇼나
- 1 Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu tariro yedu,
- 2 kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu.
- 3 Sezvandakakukurudzira kuti ramba ugere paEfeso, ndichienda kuMakedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso,
- 4 kana kuchenjerera ngano nenhoroondo dzemadzinza dzisingaperi, dzinomutsa gakava pane kuvaka kwaMwari kuri murutendo.
- 5 Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rusinganyepedzeri;
- 6 pane izvozvi vamwe vakatsvedza vakatsaukira kukutaura kusina maturo,
- 7 vachida kuva vadzidzisi vemurairo, vasinganzwisisi kana zvavanoreva, kana maererano nezvavanosimbisa.
- 8 Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiushandisa zviri pamurairo,
- 9 achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene nevasina hanya naMwari, mhondi dzemadzibaba nemhondi dzana amai, vanouraya vanhu,
- 10 mhombwe, ngochani, vanopamba vanhu, vanyepi, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakagwinya,
- 11 maererano neevhangeri yekubwinya kwaMwari wakaropafadzwa yandakabatiswa.
- 12 Uye ndinovonga wakandigonesa, Kristu Jesu Ishe wedu, kuti wakandiona ndakatendeka, akandiisa paushumiri,
- 13 ini ndaimbova munyombi nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi, nokuti ndakaita nekusaziva pakusatenda;
- 14 asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa pamwe nerutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
- 15 Ishoko rakatendeka uye rinofanira kugamuchirwa chese, kuti Kristu Jesu wakauya munyika kuzoponesa vatadzi, vandiri ini mukuru wavo;
- 16 asi nekuda kweizvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ndinova mukuru, Jesu Kristu aratidze moyo murefu wese, uve muenzaniso kune vanozotenda kwaari, paupenyu husingaperi.
- 17 Zvino kuna Mambo wekusingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari wega wakachenjera, ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
- 18 Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, mwana wangu Timotio, sezviporofita zvakatanga pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka;
- 19 wakabata rutendo nehana yakanaka, vamwe vakati vairasa zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe,
- 20 vamwe vavo ndiHimenayosi naArekizandro, vandakakumikidza kuna Satani, kuti vadzidze kusanyomba.