디모데전서 6장 쇼나
- 1 Vese vari varanda pasi pejoko, ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nerukudzo rwese, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa.
- 2 Nevane vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza, zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nokuti vakatendeka uye vanodikanwa vagovani vemubairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire.
- 3 Kana munhu achidzidzisa zvakasiyana nezvizvi, uye asingabvumiri mashoko awa mapenyu, aIshe wedu Jesu Kristu, nekudzidziso inoenderana nekunamata Mwari,
- 4 anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko, panobva godo, gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa,
- 5 kukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro.
- 6 Asi kunamata Mwari nekugutsikana ndizvo zvinofumisa kwazvo;
- 7 nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu;
- 8 asi kana tine kudya nezvekupfeka tichagutsikana neizvozvi.
- 9 Asi vanoshuva kufuma vanowira mumuedzo nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa;
- 10 nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvese; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji.
- 11 Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, kunamata Mwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro.
- 12 Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, batisisa upenyu husingaperi, hwawakadanirwawo kwahuri, ukabvumawo kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
- 13 Ndinokuraira pamberi paMwari, anoraramisa zvinhu zvese, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato,
- 14 kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,
- 15 kwaacharatidza panguva dzake, iye Wakaropafadzwa neWemasimbaose ega, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe,
- 16 iye ega ane kusafa, agere pachiedza chisingasvikiki, hakuna umwe wevanhu wakambomuona, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni.
- 17 Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi muna Mwari mupenyu, anotipa zvinhu zvese achiwanza kuti tifare;
- 18 vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, nekugovana;
- 19 vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inouya, kuti vabatisise upenyu husingaperi.
- 20 Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakabatiswa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo zviri zvenhema;
- 21 irwo vamwe vakati vachibvuma vakarasika maererano nerutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni.