디모데후서 1장 쇼나
- 1 Pauro, muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu huri muna Kristu Jesu,
- 2 kuna Timotio mwana wangu unodikanwa: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu.
- 3 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira kubva kumadziteteguru muhana yakachena, kuti ndisingamiri ndinokurangarira paminyengetero yangu siku nesikati,
- 4 ndichishuva kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro,
- 5 ndichiisa mumurangariro rutendo rusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti rwuri mauriwo.
- 6 Nemhaka yeizvi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu.
- 7 Nokuti Mwari haana kutipa mweya wekutya asi wesimba, newerudo, newekuzvidzora.
- 8 Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake; asi utambudzikire evhangeri pamwe neni zvichienderana nesimba raMwari,
- 9 wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake pachake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nhambo dzenguva dzisati dzavapo,
- 10 asi ikozvino kunoratidzwa nekuonekwa kweMuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri,
- 11 yandakagadzirwa ini kuva muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni.
- 12 Nemhaka yeizvi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndine chokwadi kuti anogona kuchengeta chandakaisa muruoko kusvikira zuva iroro.
- 13 Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
- 14 Icho chinhu chakanaka chakaiswa mumaoko mako chengeta neMweya Mutsvene anogara matiri.
- 15 Unozviziva izvi, kuti vese vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene.
- 16 Ishe ngaape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nokuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu,
- 17 asi asvika Roma, wakanditsvakisisa, akandiwana.
- 18 Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iro; uye muzvinhu zvingani zvaakandibatira paEfeso, iwe unozivisisa.